A-LEVEL — NGANO DZEMATAMBIDZANWA: Ngano chii?

Munyaradzi Gunduza

NGANO mutambo wepasichigare waitambwa nasarungano nevateereri munguva dzemanheru kunyanya mumwaka weChirimo.

Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoroporwa navaropo. Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparadza zvirimwa semhashu, tsunu nezvimwe zvipembenene.

Chokwadi chaicho ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirwa nemabasa. Izvi zvinotsigirwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa akasiyana-siyana muminda. Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokanganisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotevera sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora.

Sezvo VaShona vaitenda zvakanyanya mutsika dzavo, uye muchitendero chavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzirisa matambudziko munharaunda. Hapana mwana aizopikisana nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburitsa unhu hwakafumuka.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanwa mungano:

  • Ziva bhuku rengano
  • Mabasa engano
  • Basa rasarungano
  • Basa revateereri
  • Madingindira
  • Tsika nemagariro
  • Unhu nemabasa anomiririrwa nemhuka
  • Maonerwo evanhukadzi/vanhurume/vana/vanhu vanoshoreka
  • Kutandadza kwengano
  • Mashiripiti anobuda mungano
  • Maumbirwo engano
  • Zvidzidzo zvinobuda mungano
  • Musiyano wenganonyorwa nenganotaurwa
  • Musoro wengano
  • Kupfupisa ngano yoga yoga

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *