Abba Voices yoparidzira vechidiki

CHIKWATA chiri kusimukira chevaimbi vemusambo wechitendero cheAbba Voices chekuKadoma chinoti donzvo racho ndere kuparidza vhangeri, zvikuru kune vechidiki, kuburikidza nemimhanzi.Abba Voices, iyo yakatanga kuimba nziyo dzechitendero mugore ra2014, iri pasi pechechi yeAll Families International Church (AFIC) Ministries.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe wevakuru veAbba Voices, Kelvin Denga, anoti chikwata chavo parizvino chasimba uye ndicho chiri kutonga munyaya dzekuimba muKadoma.

“Chikwata chedu maimbiro acho ari kufarirwa neveruzhinji uye tave nevatsigiri vakawanda nekuda kwemaimbiro edu.

“Nziyo dzedu dzechitendero dziri kufadza vazhinji zvekuti panoitwa mitambo yakawanda tiri kudaidzwa tichivatandadza,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Chikwata chedu chakaumbwa nechinangwa chikuru chekuimba muchechi yedu yeAFIC Ministries asi veruzhinji nekunakirwa nekuimba kwedu vava kutidaidza kuti tivaimbire pavanenge vakaungana. Tiri kunyanya kudaidzwa muzvikoro pamwe chete nemamwe machechi asina mapoka anovaimbira.

“Tiri kutarisira kutsikisa dambarefu redu rekutanga nguva pfupi iri.

“Parizvino tine nziyo dzedu dzatakabura asi hadzisati dzatsikiswa kuiswa pamaCD,” anodaro Denga.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *