Zvirimwa, misha zvakaparadzwa nedutu

SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rinoti zvakakosha kuti varimi vagare vakanyoresa zvirimwa nemisha yavo pasi pezvirongwa zvemainishuwarenzi sezvo zvichizovabatsira zvikuru kana vachinge vasangana nenjodzi yakaita sekuparadzwa kwazvo nemvura inenge ichinaya iine dutu kana kuti chivhuramahwe.Kurudziro iyi inotevera kuparadzwa kwakaitwa misha nezvirimwa zvakawanda kumativi mana enyika nguva yadarika nemvura yaiva nedutu nechivhuramahwe.

Mukuru weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti zvinobatsira kuti varimi vagare vakagadzirira matambudziko avanogona kusangana nawo mubasa ravo kwete kuzoyeuka bako vanaiwa.

“Ikurudziro yedu kuti varimi vagare vakanyoresa mainishuwarenzi ezvirimwa zvavo zvose kusanganisawo nezvipfuyo zvakaita  semombe, mbudzi, huku, hwai nemisha chaiyo. Tinofanirwa kuzvinyoresa kuitira kuti kana tawirwa netsaona tizobatsirwa kungava kuvaka misha mitsva kana kubhadharwa zvirimwa zvedu zvinenge zvaparadzwa,” vanodaro.

Vanoti chinofanirwa kuitwa nemurimi chete kuenda kumakambani anopa mainishuwarenzi angava emisha kana zvipfuyo nezvirimwa vonotaura navo vobvumirana pane mari inodiwa kuti ibhadharwe.

“Ingaite semari yakawanda yekubhadhara muchirongwa ichi asi kukosha kwazvo kunozoonekwa chete kana varimi ava vawirwa nedambudziko. Asiwo tinopawo chenjedzo kuvarimi vedu kuti vangwarire makambani emainishuwarenzi sezvo kwava nemamwe echitsotsi aripo pakubira varimi. Saka varimi vedu ngavadyidzane nemasangano evarimi nevarimisi vacho vari mumatunhu avanogara,” vanodaro VaChabikwa.

Zvakadai, vanoti kune varimi vakawanda vakaparadzirwa zvirimwa zvavo pamwe nemisha nemvura yaiva nedutu.

“Tine varimi vedu vakarasikirwa nezvirimwa zvinosanganisira chibage nefodya uye nemisha izvo zvakaparadzwa zvave kukonzera kuti vatange kutsvaga zvikwereti kumabhanga nekuvanhu vakazvimirira. Kudai vakanga vakanyoresa kumakambani einishuwarenzi vaingobhadharwa chete zvirimwa zvavo nekuvakirwa mimwe misha kana kutengerwa zvimwe zvipfuyo,” vakadaro.

Varimi vakasangana nenjodzi yekuparadzirwa zvirimwa, zvipfuyo nemisha vari kunzvimbo dzinosanganisira Chegutu, Mhondoro, Hurungwe, Kadoma neNorton.

VaLangton Muzungu (50) vanove murimi akagariswa patsva neHurumende kupurazi reNyagori Estate, kuNorton vanoti vakaparadzirwa chibage chavo mumunda wakatandavara hekita imwe chete pamwe chetewo nefodya.

“Hapana chandakasara nacho, ndave  kutorimira zvirimwa izvi pasi ndidyare zvangu bhinzi chaidzo kana zvimwewo zvirimwa zvinokurumidza kusvika,” vanodaro.

Mumwewo murimi akasangana nedambudziko iri dziMai Plaxedes Chingondi (60) vekupurazi reRock kuNorton kwakare.

“Munda wangu mahekita maviri echibage wakaparadzwa, izvozvi ndave kutotsvaga kubatsirwa nekuti  handina pekutangira,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *