Abel Ndooka
CHICHANGE chakabvondoka nomusi weMugovera neSvondo apo zvikwata zvina zvinoti Hardrock, Hunters, CAPS United neHighlanders zvichatatsurana musemi-final yemutambo weChibuku Super Cup.
Mutambo wokutanga uchaona Hardrock iri pamba payo kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, uko ichasangana neHunters FC musi weMugovera.
Musi weSvondo, CAPS United (Makepekepe), iyo inorairidzwa na Takesure Chiragwi, ichatatsurana neHighlanders (Bosso), iyo inorairidzwa naBenjani Mwaruwari, kuRufaro Stadium, muHarare.
Zvikwata zvose izvi zviri kurwira kuti zvigopinda mufainari yemutambo uyu, uyo uchazotora nzvimbo kuChahwanda Stadium nomusi wa30 Mbudzi.
Chikwata chinohwinha mukombe weChibuku Super Cup chinobva chawaniswa tikiti rekunokwikwidza mumutambo weCAF Confederation Cup wemwaka wa2027.
Gore rino, Dynamos FC ndiyo yaifanirwa kunge yakanomirira nyika mumutambo weCAF Confederation Cup mushure mokunge yahwinha mutambo weChibuku Super Cup wegore ra2025, asi yakazotemerwa zvirango zvokuti isakwikwidze mumutambo uyu neCAF.
Dynamos yainge yamhan’arirwa neaimbove murairidzi wayo Saul Chaminuka kuti vainge vasina kumubhadhara pavakamudzinga basa gore radarika.
Zvakadaro, pazvikwata zvina zvasara mumutambo uyu, Bosso chete ndiyo yakambohwinha mukombe uyu. Yakausimudza mugore ra2019 apo yakakunda Ngezi Platinum 1-0 mufainari yakatambirwa kunhandare yeBarbourfields, kuBulawayo.
Zvimwe zvikwata zvitatu zvacho zvinoti Kepekepe, Hardrock neHunters hazvisati zvambohwinha mukombe uyu.
Takatarisa Hardrock, iyo inorairidzwa naKelvin Kaindu, neHunters, iyo inorairidzwa naNesbert Saruchera, mwaka uno ndewekutanga kuti zvikwata izvi zvikwikwidze mumutambo uyu sezvo zvakapinda muPremier Soccer League (PSL) mwaka uno.
Zvakadaro, svondo rino, aimbove muridzi wepembe ane mukurumbira Felix Tangawarima, uyo ave FIFA referees’ instructor, akazivisa kuti fainari yemutambo weChibuku Super Cup yegore rino, iyo ichatambwa musi wa28 Mbudzi, ndiwo uchave mutambo wokutanga kushandiswa chirongwa chevideo assistant referee (VAR) munhabvu yemuno.
Tangawarima akataura svondo rino pamusangano wakaitwa muHarare wakarongwa neZIFA apo varidzi vepembe vemunyika vakasiyana-siyana vaidzidziswa kushandisa chirongwa cheVAR.