Kingstone Mapupu
MURUME wemakore 32 okuberekwa akafa mushure mekutsikwa nemotokari apo aidarika mugwagwa unoenda kuMatobo, pedyo neZESA, kuGweru, nomusi wa15 Mbudzi 2026, nenguva dza1 masikati.
Akashaika ainzi Trymore Dube (32) uye aibva kuMkoba 7. Aityaira motokari yakaita tsaona iyi anonzi Mqondisi Moyo (22), wekuAscot Extension.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti Moyo aityaira motokari yerudzi rweBMW 3 Series mumugwagwa unoenda kuMatobo. Aiva ega mumotokari iyi.
Mapurisa anoti apo Moyo akazama kudarika imwe motokari yaiva pamberi pake, akabva atsika Dube, uyo aiedza kudarika mugwagwa achifamba netsoka nechekumberi.
“Kutsikwa kwakaitwa Dube kwakaita kuti akuvare zvikuru mumusoro, izvo zvakabva zvaita kuti atakurwe panguva iyoyo kuendeswa kuGweru Provincial Hospital, uko akasvikonofa achangotanga kubatsirwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa anoti Moyo akazoiswa muchina wekuona kuti ainge akadhakwa here paaityaira, zvikaonekwa kuti mumuviri make mainge muine doro rakawandisa, izvo zvisingabvumidzwi nemutemo wenyika.
Nokudaro, mapurisa anoti Moyo akatarisana nemhosva yekutyaira motokari akadhakwa uye kukonzera rufu rwemunhu.
Vanoti kutyaira kunoda munhu akazvipira, anotevedza mitemo yose inodiwa mumigwagwa. Vakayambira vetsoka kuti vatevedzewo mitemo yemumigwagwa, vofamba vakangwarira nguva dzose pakudarika migwagwa, vachishandisawo nzvimbo dzinotenderwa nemitemo nekutarisawo kuti hakuna motokari dziri kuuya.
“Tinokurudzirawo voruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzevatyairi vose vanotyora mitemo yemumigwagwa nevose vavanoona vachityaira vakadhakwa nezvose zvinokonzera tsaona mumigwagwa,” vanodaro Insp Mahoko.