Adzimai pfacha baba vari musvo kushamwarikadzi

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare redzimhosva vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi anoti akabatikidza murume wake ari musvo kumba kweshamwarikadzi yake ndokumuzvuzvurudza achida kuti vadzokere vose kumba kwavo.

Pauline Jongwe akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira Linda Mavhunga achiti ari kumushungurudza nekudaro anoda gwaro rerunyararo.

Mavhunga anoti Jongwe anomutuka pamberi pevanhu achimuti ipfambi uye kuti ane utachiona hweHIV.

“Changamire, ndauya kuno namai ava kuti vamiswe kundishungurudza pazere vanhu. Vanondituka kuti pfambi uye kuti ndinonwa mapiritsi eHIV. Izvozvi handisisina mufaro mumaraini, vanhu vave kungonditi pfambi,” anodaro Mavhunga.

Anoti Jongwe anogara achimutyisidzira kuti anoda kumurova.

“Anoti anoda kundirova uye kutevera mwana wangu paanenge achibva kuchikoro kuti agoona pandinogara, saka ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Mavhunga.

Jongwe anopikisana naMavhunga achiti ishamwarikadzi yemurume wake.

“Anonyepa uyu, ishamwarikadzi yemurume wangu uye vakatombogara vose.

‘‘Saka ndakaenda kumba kwake mwana wangu arwara ndokuwana murume wangu ariko. Pandaigogodza, vakaramba kuvhura ini ndokuzohwanda ndokuona murume achienda kuchimbuzi asina kupfeka ndikamubata kuti ndiende naye kumba.

Ndakamuzvuzvurudza kusvika kugedhi uko akazonditiza. Mukadzi uyu handisi kumushungurudza,” anodaro Jongwe.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mavhunga gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *