Akaba doro re$1

Muchaneta Chimuka
NYADZI dzinokunda rufu!

Murume wekuChitungwiza akashaya pekupinda mudare nekunyara apo akabatwa nemhosva yekuba bhodhoro rimwe chete redoro reSuper Chibuku rinokosha $1 muchitoro cheChoppies Supermarket chiri kuTown Centre, ikoko.

Smith Lasbaes (30) wepanhamba 3405 Unit D, anobvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Hongu ndakaba,” anodaro apo akabvunzwa mudare. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akamupa chirango chekubhadhara faindi ye$20 uye kukundikana kwake anogara mujeri kwemazuva gumi. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa18 mwedzi uno, Lasbaes akapinda muchitoro cheChoppies umo akaba bhodhoro redoro zvikaita kuti asungwe apo akange ave kubuda naro asina kubhadhara.

Murindi wepachitoro ichi, Pamela Gadzira, ndiye akamira semumhan’ari munyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *