Akaba marata epachechi

MBAVHA yekubatwa nemhosva yekuba marata masere echechi yeZion kuChitungwiza ayo anokosha $110 yakatongerwa kubhadhara mari yekuadzosera.
Shelton Mukoko (29) akamiswa pamberi pamutongi Lazarus Murendo wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Muchuchisi Zuvarashe Mushayabasa akaudza dare iri kuti Mukoko akaenda pachechi yeZion iri kuUnit J, kwekare kuChitungwiza mambakwedza emusi wa23 Gunyana gore rino nechinangwa chekuba marata epo. Akakwatanura marata aya ndokuenda nawo kunotengesa ndokusara rata rimwe chete raikosha $30 iro akazodzoka akabata rakazozivikanwa naEmilia Chinaka uyo anopinda chechi iyi zvekare achigara munharaunda imwe chete nembavha iyi.
Chinaka akazoudza mumwe wekuchechi kwavo, Simbarashe Togarepi, wepa 5558 Unit J, izvo zvakazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa.

Pakumira kwaakaita mudare, Mukoko akabvuma mhosva yake pasina kukakama.

Mutongi Murendo akashora hunhu hwaMukoko hwekubira chechi achiti nyaya dzehumbavha hwakadai dziri kuwanda.

Mukoko akanzi abhadhare $80 kuchechi yeZion yekutenga marata aakaba uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×