Sibanda ochema nevakotsveri

SHASHA yetsiva, Monalisa Sibanda (31), ochema-chema nekushaikwa kwevakotsveri vemutambo uyu izvo anoti zviri kudzosera budiriro yawo kumashure.
Sibanda, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti ‘Queen of the jungle’ ave nemakore akawanda ari mumutambo uyu asi haasati aona pundutso yacho.

“Mutambo wetsiva kubva pandakautanga mugore ra1994 handisati ndaona chimuko nenyaya yekushaya mapuromota nerutsigiro rwakakwana. Ndini mutambi mukuru wetsiva munyika kumadzimai asi handisati ndanyatsowana sangano kana vanhu vanondibhadharira mari yekuti basa rangu rienderere mberi sezvandinoshuvira,” akadaro Sibanda.

Ndanga ndichikumbirawo kuti chero Hurumende dai yakoshesawo mitambo yakaita setsiva yasimudzira madzimai mumutambo uyu. Ndine chishuwo chekuti ndisimudze mureza weZimbabwe kutsiva yemadzimai uye kuzivikanwa pasi rose semutambi mukuru wetsiva asi izvi zvinouya kana ndawana rutsigiro rwakakwana. Mutambo wetsiva unoda zvakawanda zvinosanganisira kudya chikafu chakakwana chinovaka muviri kuti ugare wakasimba,” akadaro.

Sibanda akatarisana nekunotatsurana nemutambi wekuZambia, Lorita Muzeya, nguva pfupi inotevera kunyika iyi unove mutambo wavo wechipiri. Mumutambo wekutanga, uyo wakaitwa muna Kurume gore rino, Sibanda akakundwa nechizvarwa chekuZambia ichi.

“Muna Kurume gore rino, ndakaenda kuZambia ndikanosangana neshasha yetsiva yeko Lorita Muzeya uyo akandikunda nezvibodzwa zvishoma. Musikana uyu ndiri kunosangana naye zvakare musi waMbudzi 22 uye ndiri kutarisira kuti ndichamukunda nekuti ndiri kugadzirira mutambo uyu zvakasimba. Achakunda mumutambo uyu ndiye anozoenderera mberi achitambira bhande. Ndinovimbisa kuti richange riri rangu nekuti ndiri kuda kusimudza mureza wenyika netsiva,” akadaro.

Anoti akakundwa mumutambo wadarika nekuti haana kuwana nguva yakanaka yekugadzirira.

Sibanda anoti zvakare akavamba chikoro chake icho chinonzi Club Dynamite Girls chinodzidzisa vanhukadzi zvemitambo yakasiyana inosanganisira bhora nekumhanya.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×