Akadashurirwa muto wenyama

Daphne Machiri

MUDZIMAI wekuCaledonia Phase 1, muHarare, akarohwa nemurume wake senyoka yapinda mumba ndokuzomanikidzwa kurara panze kwemazuva matatu mushure mekunge murume uyu abikirwa sadza nenyama yehuku ye50 cents iyo yakange isina muto.Monica Tagarira (35) anoti ashaiswa rugare nemurume wake, Cosmas Chibanda, uyo zvakare akamutyora gumbo achimurova.

“Ndine dambudziko rekuti murume anondirova nguva dzakawanda. Akandirova nguva yadarika mushure mekunge auya nenyama yehuku yaive mapisi madiki matatu ayo aakatenga US$0,50c.

“Ndakangobikawo zvakanga zviripo nesadza, akadzoka kubva kubasa ave kunditi sei nyama isina muto asi iye akanga asina kutenga matomatisi acho. Ini ndakange ndangokwatisawo nyama yacho nemunyu, handina kwandinowana mari kana sendi zvaro,” anodaro.

Anoti paakarohwa, akapedza mazuva matatu achirara panze nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakarara panze kwemazuva matatu uye ndaipinda mumba masikati bedzi iye asipo aenda kubasa, asi kana adzoka ndaigara panze iye achizvibikira oga,” anodaro Tagarira.

Anoti Chibanda akambomurikita zvakare nekuda kwenyaya yemwana wake waakaita nemumwe murume wekutanga, mushure mekunge iye mukadzi uyu ati anoda kuti mwana uyu aende kuchikoro.

“Akandirova achiti handiendese mwana wemumwe murume kuchikoro. Ndipo paakandibata gumbo rangu rekurudyi akariminyura rikatsemuka nechepaibvi.”

Mukadzi uyu anoti gumbo rake iri rinomurwadza zvekuti rinosvika pakumbotadza kufamba uye haana kuenda kunorapwa kuchipatara nekuda kwekushaya mari.

Tagarira anoenderera mberi nekurondedzera: “Kumapurisa ndaida kuenda asi chinonetsa ndechekuti baba vakasungwa ndinosara nani uye vana vanochengetwa nani? Handishande, handina kana chandinacho kana pekubata. Nhamo ndiyo inonhuhwa mumba medu, zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Hatina kana chatinacho, zvekupfeka chaizvo tinotopihwawo nevanenge vaona kuti tashama.”

Anotizve murume wake anoita maricho akaita sekucherera vanovaka jecha.

“Tine vana vatatu vanoda kuchengetwa, kusanganisira newangu. Murume wangu anowana dhora rimwe chete pazuva kana kutoshaya.”

Tagarira anoti dzimwe nguva vanodya sadza nemunyu sehusavi kana kungotemura.

“Kana pasina hupfu, tinodya mupunga weR3 torara. Dzimwe dzenguva kana paine hupfuwo tinorarira sadza nemagunhi emuriwo ane munyu bedzi,” anodaro.

Mukadzi uyu anoti kunyangwe mvura yavanonwa haina hutsanana.

“Mvura chaiyo yakachena hatina, tinonwa inowira matatya uye inogara yakashama. ‘‘Mudumbu tanzwa, tinogara tichichaya manyoka nevana vangu zvekuti tatojaira. Kugeza chaiko hatishandise sipo, tinongozvidira mvura iyoyo.”

Kwayedza yakazama kutaura naChibanda kanokwana katatu asi aitiza apo yakashanyira nzvimbo iyi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *