Oceanwaves inovaka vana

. . . nekuvadzidzisa mabasa emawoko

Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheOceanwaves Junior Private School, icho chiri kuRydle Ridge Park, muHarare, chiri kusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko akaita sekurima nedonzvo rekuti vana vakwanise kuzoita mabhindauko anovapa raramo mune remangwana.Mukuru wechikoro ichi, Mai Lilian Mandeya, vanoti chishuwo chavo ndechekuumba vana vanozozvitira mabasa avo mune remangwana uye kubura nyanzvi dzinogona kushandisa michina yechimanje-manje.

“Mukudzidzisa vana vedu, takanyanya kunangana nekuda kuumba hwaro hwakanaka hwekuti mune ramangwana vakwanise kuzviitira mabasa avo kwete kuti vatambure nekutsvaga mabasa. Vanofanira kuva ivo vanopa vamwe mabasa.

“Nyika yedu yeZimbabwe ine upfumi hwakanyanya munyaya dzekurima uye ndipo pane hwaro hwayo. Nekuda kweizvi, tinoda kudzidzisa vana vedu kuti kubata badza hakusi kudzvanyirirwa asi kuti kugadzira upfumi hwenyika neramangwana,” vanodaro.

Mai Mandeya vanoti chikoro chavo vari kuchivandudza nemutowo wechizvino-zvino, izvo zvinoita kuti vana vadzidzire pakanaka.

“Chikoro chedu chine vadzidzisi vakadzidziswa basa zvakakwana uye tinotenda muchitendero chechiKiristu. Zvakare, tine mitauro yatinodzidzisa pano inosanganisira Shona, Ndebele neFrench. Mutauro weFrench tinoitira kuti vana vakazoenda kunoshandira kunyika dzinotaurwa mutauro uyu,” vanodaro.

Mai Mandeya vanotizve makombiyuta epachikoro chavo anodzidzwa nevana ndeemhando yepamusoro, erudzi rweApple, kuitira kuti vafambirane nenguva.

“Zvikoro zvishomanene kana makambani makuru chaiwo anoshandisa rudzi rwemakombiyuta urwu. Izvi tiri kuitira kuti vana vafambirane nenguva. Chikoro chedu chinokoshesawo mitambo yose,” vanodaro Mai Mandeya.

Oceanwaves Private Junior School yakavhurwa muna Ndira gore rino.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *