Akadhonzwa rurimi nepinjisi

Muhamed Komboni

MURUME anogara mubhuku rekwaChikwariro, kwaMambo Marange, kwaMutare, akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekurikita nekudhonza rurimi rwemumwe murume anogara mubhuku rimwechete naye nepinjisi.

Masimba Edson Padera (45) anoramba mhosva iyi paanomiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrate Court.

Muchuchisi Perservarance Masukuto anoudza dare kuti nemusi wa12 Gunyana gore rakapera, Joseph Chikwature akafumomukira mugomo riri mubhuku mavo achinotsvaga manyowa emashizha emiti emurakwani.

Paaiva mubishi rekuunganidza manyowa ake, Chikwature akarohwa nehana achiona Padera nevamwe varume vatatu vachiuya kwaaiva ari sezvo akanga asina kuona kwavakabva nako.

“Padera anonzi akabva akwakukira Chikwature ndokumuti mbaa pahuro kusvikira adonha pasi, ndokutora pinjisi yaakanga ainayo achibva atanga kudhonza rurimi rwakwe kuti rwubude mukanwa.

“Vamwe vatatu vaiva naPadera vanonzi vakanga vachibatsirawo kurwisa Chikwature vakamubata makumbo nemaoko kuti asakwanise kumuka kana kutiza.

“Vapedza izvi, Padera nevamwe vake vanonzi vakazoenderera mberi nokukakata nhengo yaChikwature ndokutora mhitsa yedombo kwava kuiti dzii pachipfuva chake zvikaita kuti asare asina simba,” anodaro mchuchisi Masukuto.

Padera nevamwe vake vanonzi vakabva vasiya Chikwature achiyuwira ari pasi kudaro sezvo akanga asisina simba rekuti afambe.

Mushure mechinguva, Chikwature anonzi akazokwanisa kumuka paaiva akapunzikira ndokudzokera kumba kwake uko kwaakazotaurira baba vake, Ngwadzai Chikwature, nezvenyaya iyi.

Baba vake ndivo vakazokwidza nyaya iyi kwaSabhuku Chikwariro.

Joseph anonzi akazoenda kunoongorwa nachiremba akaonekwa kuti akanga akuvara nhengo dzake dzemuviri zvakanyanya uyezve asisakwanise kutaura zvakanaka sezvo rurimi rwake rwakanga rwava nemaronda.

“Mambo wangu, tsamba yatiinayo yakabva kunachiremba iri kuratidza kuti Chikwature akakuvara nhengo dzake uyezve pari zvino haasi kugona kunyatsotaura zvakanaka nekuda kwerurimi rwake rwunonzi rwakatswinywa nepinjisi naPadera nevamwe vake,” anodaro muchuchisi Masukuto achitaridza tsamba yakabva kwachiremba.

Padera akanzi abhadhare bhero ye$300 uye achadzoka mudare nemusi wa3 Kurume apo nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa.

Mutongi Gumbo akaudza Padera kuti asazokanganise vafakazi vari munyaya iyi uyezve kuti agoramba achigara pakero yaakanyoresa kudare.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *