Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu

MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.

Vabereki vemwana uyu, Kupakwashe Nyemba,

vange vari mushishi yekutsvaga mari yekuti akwanise kurapwa muzvipatara zvemuno pamwe chete nekunyika yeIndia.

Ambuya vake, Mai Precious Kadungure (41), vakazivisa kuti mwana uyu akashaika nemusi wa17 Gunyana.

“Muzukuru wangu uye azoshaika nhasi (17 Gunyana) mangwanani kuma7, tine kusuwa kukuru semhuri. Anga ari mwana wemwanasikana wangu mukuru, Keesha Makanaka Chatora (21). Takaedza zvose kuti timubatsire asi Mwari vatora budzi ravo,” vanodaro Mai Kadungure.

“Ndinotenda vose vanga vachitambanudza maoko avo kutibatsira nezvakasiyana kuti muzukuru wangu ararame.”

Related Posts

World Ozone Day rakacherechedzwa

Muchaneta Chimuka   ZIMBABWE yakabatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru rekudzivirira kusvibiswa kwemhepo yemuchadenga reWorld Ozone Day rinova rinocherechedzwa nomusi wa16 Gunyana gore negore. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, gurukota…

Mutyairi wekombi akadhakwa akandwa mujeri kwemakore maviri

Ray Bande DARE reMutare Magistrates’ Court rakatongera murume ane makore 38 ekuberekwa kuti apedze makore maviri ari mujeri nemhosva yekutyaira kombi yakatakura vanhu akadhakwa, munyaya iyo yakaonekwa sekutyora zvakanyanya mitemo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *