Akafa arumwa nenyuchi 1

Daphne Machiri
MURUME wekuAvondale, muHarare, akafa rufu runoshamisa apo anonzi akarumwa nenyuchi imwe chete pachigunwe nguva pfupi yadarika. David Manyowa (28), uyo aigara panhamba 28 Ridge Road, anonzi mukukura kwake aiti akarumwa nenyuchi aibva arwara zvikuru. Mukoma wemushakabvu, Jerry Mudza (37) uyo aigara naye, anoti rufu rwemunin’ina wake rwakavagura kunorira.

“Munin’ina wangu akakura asingawirirane nenyuchi zvekuti aiti akarumwa nenyuchi taitomhanya naye kuchipatara kana kumupa mapiritsi ekupomhodza huturu hadzo,” anodaro Madza. “Nyuchi idzi dzaiva dziri pabango remagetsi kumba saka imwe yacho yakamuruma akatanga kupera simba. Takazosara toenda naye kuchipatara kuParirenyatwa (Group of Hospitals) vanachiremba vakati munhu akanga atofa kare.

“Mukukura kwake akamborumwa hake kanokwana kuita kaviri, kandichanyatsoyeuka, tikamhanya naye kuchipatara asi akange azvimba muviri wose nekumeso,” anodaro Madza. Anoti pakarumwa Manyowa nenyuchi paazofa apa, akange asina mapiritsi ekupomhodza huturu.

“Shuwa munhu angafe nekurumwa nenyuchi imwe chete here? Yambiro yangu kune avo vane dambudziko rema‘allergies’ nenyuchi ndeyekuti ngavagare vaine mapiritsi padyo uye mhanyai kuchipatara nenguva kana muchinge marumwa,” anodaro.

Manyowa akavigirwa kumakuva ekuMabvuku Cemetry.
Kune mhando yedzimwe nyuchi dzinonzi dzine huturu hunouraya dzinonzi “Africanised honey bees” kana kuti “killer bees”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×