Akafa ayamwiwa nemupurwa

Danisa Masuku

MUKADZI wechikuru wemubhuku raThombankala, kuZhombe, mudunhu reMidlands, ari kunzi akatumira mupurwa kuti unoyamwa ropa remuzukuru wake izvo zvakazokonzera rufu rwake.

Anastacia Nsingo (62) ari kupomerwa kutumira mupurwa kumuzukuru wake Gracious Ndlovu uyo unonzi wakanomuyamwa ropa rake achibva azofa.

Anastacia Nsingo

Grant Ndlovu, uyo anove mwana waNsingo, anotsinhira nezvenyaya iyi. “Amai vangu vakadaidzira dare remhuri apo vakareurura kuti ndivo vakatumira mupurwa kuti unoyamwa Gracious zvikakonzera kufa kwake.

Grant Ndlovu

‘‘Mushure mezvo, vakazokumbira ruregerero kumudzimai wangu zvose nekwandiri,” anodaro Ndlovu.

Anoti mhuri yavo yakazoita chivanhu paguva reGracious.

“Takaenda kuguva remwana wangu uko takakumbira mushakabvu kuti aregerere amai vangu ava,” anodaro Ndlovu.

Mudzimai wake, Viola Sibanda, anoti pakutanga vanhu vaive parufu rwemwana wake vaipomera vabereki vake kuti ndivo varoyi.

“Vabereki vangu vakanongedzwa pazere vanhu vachinzi ndivo vainge vakonzeresa rufu rwemwana wangu. Saka mushure mekunge vamwene vangu vareurura, vabereki vangu vakabva vati vanoda kuripwa nemombe mhou shanu. Vakazobhadharwa $1 500,” anodaro Sibanda.

Nsingo anoti haakwanise kutaura mashoko akawanda pamusoro penyaya iyi.

“Takataura semhuri uye handikwanise kukuudzai zvatakakurukura pamusoro pazvo,” anodaro.

Anoti zvaakaita zvakakonzerwa nemweya wetsvina.

“Iye zvino handizi kunzwa zvakanaka uye ndiri kuno kuBulawayo (kurukisheni rweNguboyenja) uko ndiri kutsvaga kubatsirwa nekuti pane mweya uri kundinetsa pamusha pangu. Handikwanise kurara.” anodaro Nsingo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *