Akafira ‘xmas box’

Wimbainashe Zhakata ari kwaMUTARE

MAPURISA echitikitivha ekwaMutare vari kuvhima nemeso matsvuku mudzimai wekuChikanga uyo ari kunzi akatsakatika mushure mekuponda murume wake achimujajada pahuro nedemo rebheura apo vakatadza kuwirirana pamusoro pembatya dzeKirisimasi.Nyaya yasiya vagari venzvimbo iyi vazere nekutya nekusuwa iyi inonzi yakakonzerwa negakava rakabva pambatya nezvipo zveKirisimasi zvavainge vatengera mwanasikana wavo.

Anesu Mafokosho ndiye ari kunzi akatema nedemo rebheura murume wake Vitalis Mudhumo (26) zuva remusi wa24 Zvita rorereka.

Izvi zvinonzi zvakaitika vaviri ava vachangobva kuguta uko vakatenga zvinhu.

Zviri kunziwo wanano yevaviri ava yagara ichigabhagabha.

Zvinonzi musi wazopondwa murume uyu nemudzimai wake, mushakabvu akasangana nemukadzi wake paStop Sign kuChikanga 2.

Vaviri ava vakazotyaira mota ndokuenda muchitoro chembatya chiri muguta uko vakanotengera mwanasikana wavo ane makore matatu ekuberekwa mbatya. Murume nemudzimai vakabva vadzokera kumba.

Sekutaura kwemunin’ina waMafokosho uyo aive mumba pakaitika izvi, vaviri ava vakasvika kumba asi ndokuita chipo chemaminitsi 45 vachikakavadzana vari kunze kwechivanze.

Vaviri ava vanonzi vakazopinda mumba ndokunanga kuimba yavo yekurara.

Imomo ndimo makaitika mashura apo murume uyu anonzi akatanga kurongedza mbatya dzake achiti ainge oenda zvake.

Mudzimai wake ari kunzi ndipo paakamudemberera achimuti asandure pfungwa dzake. Asi bongozozo rakabva ratanga, mudzimai uyu ndokutora demo iro akashandisa kujajada murume wake naro katatu pahuro.

Achingopedza kuita izvi, Mafokosho anonzi akabva abuda mumba, asi mushure mekunge atumira munin’ina wake uyo aive mumba umu mashoko panhare achimuti anoona basa raainge asiya abata muimba yavo yekurara.

Munin’ina uyu anonzi akazopinda mumba iyi ndokuwana babamukuru vake vachitandadza vari pamubhedha.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti mutumbi waMudhumo wakazoendeswa kuchipatara cheMutare Provincial Hospital kuti unoongororwa.

Mukadzi ari kupomerwa mhosva iyi haasati asungwa uye kuferefetwa kwenyaya yacho kuri kufambira mberi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×