Akamhanyisa amai vari musvo

Courtney Munodawafa
VANHU vaive mudare redzimhosva vakasara vasina neremuromo apo mumwe mukomana akati mukoma wake akambodzingirira amai vavo vari musvo mushure mekunge vanetsana.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil apo Chamunorwa Makaza akamhan’arira munin’ina wake Jonah Makaza.

Chamunorwa anoti Jonah anogara achimutuka nekumurova.

“Anogara achindituka, Saturday yapfura akandirova pamberi pemukadzi wangu,” anodaro Chamunorwa.

Achipawo divi rake, Jonah anoti mukoma wake ndiye ari kutomushungurudza.

“Ini handina kurova kana kutuka mukoma, kubvira pavakadzoka kumba ndivo vanotonetsa. Isu takawirirana nanasekuru kuti tichaisa maroja kumba uye muzukuru ari kuSouth ndiye anozoisa zvinhu zvake kumba,” anodaro.

Jonah anoti Chamunorwa haafanire kusvika pamba apa nekuti amai vavo vachiri vapenyu vakambomutorera gwaro rerunyararo uye akambovamhanyisa vari musvo.“Mukoma ndiye aisafanira kusvika kumba, akange akatorerwa gwaro rorunyararo naamai nekuti akambovamhanyisa vasina kupfeka achida kuvarova tikatozomubata,” anodaro.

Zvisinei, anoti haana chaanokwanisa kutaura pamusoro penyaya yemba iyi nekuti iye mwana wemunin’ina waamai vaChamunorwa saka haatonge imba isiri yevabereki vake.

“Handina chandingataura pamusana pemba nekuti ini ndiri munin’ina wekwamainini, handisi mwana wamai vake chaiye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chamunorwa gwaro redziviriro asi ndokuti Jonah ane mvumo yekusvika pamba apa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *