Akapihwa gupuro nemukadzi

Tafadzwa Mutsotso—

MURUME wekupihwa gupuro re$0,25 nemudzimai wake akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda gwaro rerunyararo kuitira kuti akwanise kutaurirana naye kuti vadzokerane.

Peter Bhaudhi akaendesa mudzimai wake, Steziya May, kuHarare Civil Court achiti ari kutya kutaurirana naye sezvo akagumbuka zvikuru mushure mekunge agara nhaka mudzimai wemumwe munin’ina wake anove mushakabvu.

“Mudzimai wangu ndinomuda asi dambudziko riripo nderekuti akandipa gupuro re$0,25c mushure mekunge asina kufarira kugara nhaka mudzimai wemunin’ina wangu kwandakaita.

“Ndakazoona kuti ndakakanganisira mudzimai wangu nekumusiya kwandakaita ndichinogara namainini. Handingasiye mhuri yangu nokudaro ndave kuda kudzokera kumudzimai wangu ndigadzirise mhuri yangu makakatanwa ari pakati pedu apere,” akadaro.

Akati ari kukumbira gwaro rerunyararo iri kuitira kuti paanenge ave kuzotaurirana nemudzimai wake pasave nemheremhere.

“Changamire, ndiri kukumbirawo kuti pandichadzokera kumba kwangu pasave nekurwisana pakati pangu nemudzimai wangu. Ndinoda kuti titaurirane murunyararo nekuti ndinotya kuti tikarwisana tingaurayane. Pamwe anondikurira kana kuti ini ndinomukurira pakati pedu powana anofa,” akadaro Bhaudhi.

Akaenderera mberi achiti, “Hatisati tamborwisana nemudzimai wangu asi nekutsamwa kwaakaita nenyaya yenhaka, ndiri kutotya kana kumusvikira kumba nekuti anogona kundiita yese-yese. Ndiri kukumbirawo gwaro remutemo ndikwanise kusvika kumba kune mhuri yangu titaurirane.”

Mutongi Yeukai Dzuda haana kupa May mukana wekuti ataurewo divi rake sezvo akati hazvaigona kuti chikumbiro chaBhaudhi chitambirwe nedare nekuti pakange pasina umboo hwekuti ari kushungurudzwa.

Mutongi Dzuda akati Bhaudhi anofanira kutsvaga mazano kune vamwe kuti nyaya yake angaifambise sei sezvo zvisingaite kuti apihwe gwaro rerunyararo pasina umboo hwekuti ari kushungurudza naMay uye dare iri haritonge nyaya dzekurambana nekudzokerana kwevanhu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *