Mwana akabira amai

MUKOMANA wekuDema, wekupaza denga remba yaamai vake ndokuba midziyo inokosha US$398, akazozvidemba mushure mekubatwa nemhosva zvikaita kuti atongerwe kunodya refovhoro kwemwedzi gumi neminomwe.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akatemera Denmore Chibanda (25) wepanhamba 455 Svinurai Phase 1, kuDema, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24.

Zvisinei, akazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yakadai mukati memakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa14 Ndira gore rino, Grace Chibanda —  uyo anove amai vaDenmore — akasvika pamba pake achibva kwaMakoni Shopping Centre apo akasvikowana denga remba yake rakapazwa uye midziyo yake yabiwa.

Akabva ashevedza mwanasikana wake, Britah Chibanda kuti vazoita muonerapamwe uyo anova akati akange aona hanzvadzi yake, Denmore, achijamba mudhuri wemba akabata hembe mumaoko.

Denmore akazosungirwa kuBindura uko akawanikwa aine midziyo inokosha US$150 bedzi uye akabvuma mhosva yake yekuba pasina kundandama.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *