Akapisira mudzimai magwaro edzidzo

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI wechidiki anodzidza paHarare Polytechnic College anoti akagurwa kunorira nemurume wake zvichitevera kumupisira kwaakaita magwaro ake eO- neA-Level achiti anoda kumupfidzisa sezvo ava kumushainira nekuti adzidza.

Martha Mukono akamhan’arira Dancen Ruguchu kudare reHarare Civil Court achiti ari kugara achimurova nekumuvimbisa rufu.

Mukono anoti Ruguchu anomutevera kwose kwaanoenda.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Mukono gwaro rinomudzivirira.

“Murume uyu andipfidzisa nekundirova uye handichaziva kuti upenyu hwangu huchazovei ndikaramba ndinaye sezvo achindishungurudza. Haadi kuti pawane changu chinobudirira muupenyu sezvo achinditeverera kwose kwandinoenda achivhiringidza hurongwa hwangu uye akatondidzingisa basa.

“Paakanzwa kuti ndawana nzvimbo yechikoro akapisa magwaro angu ose kubvira eO-Level kusvika A-Level nekurwadziwa,” anodaro Mukono.

Ruguchu anoti Mukono haasi kutaura chokwadi uye nyaya yavakanetserana ndeye chipfambi chaari kuita kuchikoro kwaari kudzidza.

“Mukadzi uyu ari kunyepa, takanetserana mameseji andakaona munharembozha yake aainge achikurukura neimwe shamwarirume yake. Saka pandakamuti tiende kwatete vake kunogadziriswa, akabva atiza kumba,” anodaro.

Ruguchu anoti haana godo nekudzidza kwemudzimai wake sezvo neimwe nguva aitomubhadharira mari yechikoro vachiri kugara vose.

“Handingarwadziwe nekuti mudzimai adzidze nekuti zvinonakira tose asi hunhu hwake hwakangochinja mushure mekuenda kuchikoro. Kana kunditeerera haachadi saka tinopedzisira tava kunetsana,” anodaro Ruguchu.

Anoti mudzimai wake atove nenguva asina kumuona sezvo achiramba kudzoka kumba kwavo kwaMurehwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×