Akaponda amai vake, ndokupisa chitunha

Kingstone Mapupu
MURUME wekuHurungwe — uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa — anonzi akatema amai vake nechidhinha, ndokuzovarova nedanda kusvikira vafa, mushure achibva apisa chitunha chavo nemoto wehuni waakabatidza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya dzekupondana kwevanhu dziri kuramba dzichiwanda apo tiine murume anofungidzirwa kuti anorasika pfungwa uyo ane makore 33 ekuberekwa ari kunzi nguva ichangodarika akatema amai vake nechidhinha mumusoro vachibva vapunzikira pasi. Murume uyu anonzi akazopfuurira mberi nekurova amai vake ava mumusoro nedanda kusvikira vafa, ndokuzopisa mutumbi wavo nemoto wehuni,” vanodaro.

Murume uyu, uyo asina kudonwa zita rake, akasungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Asst Comm Nyathi vanoti kumaBeatrice Cottages ekuMbare, muHarare, kunewo murume aive nemakore 24 ekuberekwa uyo anonzi akapondwa zvakare neveruzhinji achipomerwa kuba migomo yavo.

Murume uyu anonzi asati afa, akabvuma kuti akanga aba migomo inokwana 280 pamwe chete mumazuva akasiyana.

“Kunze kwenyaya yemurume uyu anonzi akapondwa kuMbare achinzi akanga aba migomo mumugwagwa waRusike, tine imwe zvakare nyaya yemutumbi wemwana musikana wemakore 6 uyo wakawanikwa kuNorthhampton, kuGweru, uri mumugodhi usisashandiswe zvinoratidza kuti akapondwa,” vanodaro. Asst Comm Nyathi vanoti inyaya inosuwisa zvikuru nekukatyamadza veruzhinji kuti vanhu vanoramba vachiurayana nenzira dzakadai uye ivo semapurisa havasi kuzopeta maoko vachirega vanhu vachipara mhosva pamadiro.

“Tinoona kuti dzimwe mhosva dzekuponda idzi dziri kuitwa dzinogona kudzivirirwa. Isu semapurisa ticharamba tichishanda tichibata vanhu vakadai tovaendesa kumatare edzimhosva uko vanopihwa zvirango zvavo. Zvinoratidza kuti vamwe vanhu havasisina ruremekedzo nekurarama kwevanhu,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *