Akapondwa anoona vana

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMujinga, kuHurungwe, anonzi akapondwa nechikomba cheaimbova mudzimai wake apo akanga aenda kunoona vana vake kumusha kwemukadzi uyu.
Bertrod Mutsawu (36) wemubhuku raChakaodza ari kunzi akapondwa naKasirai Madube (37) wemumusha waMurengwa, munzvimbo imwe chete iyi, apo vakarwisana chikomba ichi chaita shanje kuti murume wekuzofa ainge avingei pamusha apa.
Inspector Clemence Mabgweazara, avo vanova mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Polece kudunhu reMashonaland West, vanoti nyaya iyi yakaitika manheru emusi wa18 Nyamavhuvhu.
“Muchakabvu anonzi aiva akaroorana naRebase Kabvuma (26) uyo waaine vana vaviri naye.
Nemusi uyu, anonzi akaenda achida kunoona vana vake apo akanowana pamusha apa paine chikomba chemudzimai uyu, Kasirai Madube, icho chisina kufara nekuuya kwake,” vanodaro.
Madube ane mudzimai wake nevana uye haana kuroora Kabvuma.
Chikomba ichi chinonzi chakatanga kunetsana naMutsawu apo chinonzi chakazomubaya nebanga katatu pamusana nepachipfuva.
“Murume uyu abaiwa kudaro, anonzi akaedza kutiza apo akamhanya chinhambwe chemamita 20 achibva apunzika mukati mechivanze ndokufa ipapo. Zvose izvi zvakaitika mumaziso emukadzi airwirwa uyo anonzi akazomhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP ekuTengwe.
“Madube akabva asungwa ipapo uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mabgweazara.
Mutumbi waMutsawu wakazoendeswa kuimba yerunyararo yechipatara cheKaroi. Insp Mabgweazara vanoti semapurisa, vanokurudzira vanhu kuti vataurirane pasina kurwisana kana kupopotedzana kana kutsvaga vayananisi kana paita kusawirirana.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×