Akapondwa pamutambo wenyaradzo

Kingstone Mapupu
Mutambo wenyaradzo waiva kwaSadza, kuChivhu, wakazopera vanhu vazara nekuzuwa nekutya mushure mekunge mumwe murume apondwa ipapo. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Insp Nobert Muzondo, vanoti murume uyu akapondwa pamutambo wenyaradzo mubhuku raChidhakwa, kwaMambo Neshangwe.

“Tine nyaya zvakare yakaitika munguva pfupi yakadarika pamutambo wenyaradzo apo Edward Mudiwa (29) anonzi akarasikirwa neupenyu nekurohwa nemumwe murume,” vanodaro.

Nemusi uyu, zvinonzi muchakabvu ainwa doro naBright Nyamuzihwa (30) wemubhuku raNyamuzihwa, kwaSadza kwakare, apo vaiva panyaradzo pamusha waSolomon Chidhakwa.

“Ava mambakwedza uye vanhu vachifara, Bright anonzi akatanga kukanganisa kufamba kwezvinhu zvakanaka apo nyakufa akazoedza kudzora Bright kuti asiyane nekukanganisa basa iri. Bright anonzi akazorova muchakabvu uyu nechinhu chisina kuzivikanwa mumusoro zvikaita kuti musoro wake uzvimbe,” vanodaro.

Panguva iyi zvinonzi Edward haana kuenda kuchipatara zvikazoita kuti mukoma wake, Eddington Mudiwa (36), azomhanyira kumapurisa kunomhan’ara aona hurwere hwake hwakura.

“Eddington akazivisa mapurisa achibva azotakura Edward kumuendesa kuchipatara chekwaSadza asi akasvikodarikidzwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, kuHarare, uko akasvika achifa. Mapurisa akazosunga Bright Nyamuzihwa uyo ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya yekuponda iyo ari kupomerwa,” vanodaro.

Insp Muzondo vanoti bongozozo harina kunaka.

“Kana tatadza kuwirirana hatitsvagei vayananisi, vangava masabhuku, mapurisa, mafundisi kana masahwira nevamwe vakuru vemunzvimbo semadzishe nemakanzura pane kusvika pakuurayana. Ngatiregei kutora mutemo tichiisa muhomwe dzedu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *