Akapotsa amai, ndokudira kamwana mvura inopisa

Muchaneta Chimuka
MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza wekupisa mwana wemukoma wake mumusoro nemvura yakafashaidzwa mushure mekunge vanetsana naamai vacho akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemina.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akazobvisa mwedzi misere pachirango chaakatemera Ashley Shani (22) wepanhamba 2111 kuSt Mary’s paine chitsidzo chekuti haapari imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mutongi Chigodora akaenderera mberi nekumubvisira mwedzi mitanhatu yainge yasara nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 275 paSeke South Clinic.

Shani haana kupedzera dare nguva sezvo achibvuma mhosva yaari kupomerwa iyi.

“Ndakadira amai vemwana mvura inopisa ikadaukira kumwana mushure mekunge mumhan’ari ari iye akatanga kundidira mvura,” anodaro Shani.

Amai vemwana uyu ndiHilda Enock (35), avo vanogara pamba pamwe chete nemusungwa uye vari mukoma wake.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa21 Kukadzi munguva dzemasikati gore rino, Enock akanga ari mushishi kugeza ndiro musingi apo Shani akasvika akabata mugomo waiva nemvura yakafashaidzwa achibva abvisa ndiro idzo aigeza.

Pakava nekukandana mashoko, Shani ndokubva adira mvura inopisa kuna Hilda asi akamupotsa ndokudira mwana waainge akabereka.

Mwana uyu akakuvara mumusoro nepadama achibva aendeswa kuChitungwiza Central Hopsital uye matsamba ekwachiremba akaburitswa mudare seumboo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *