Akarikitwa nezvigure

MUKOMANA wechidiki anogara kuMakomo Extension, kuEpworth, wekubuda muKwayedza achifumura mabasa ezvigure, anoti upenyu hwake hwava panjodzi zvichitevera kurohwa kwaakaitwa nevamwe vakomana vanove zvigure vachiti sei akataura kune veruzhinji pamusoro pezvakavanzika zvavanoita.

Emmanuel Mbirimi (22) akabuda mubepanhau rino nguva yadarika achiti akadyiswa huku mbishi pamwe chete nematumbu ayo aive akasanganiswa nemishonga apo akatanga kuve nhengo yezvigure.

Muchinda uyu akatsanangura zvakare kuti panguva yavaidzidziswa mitemo yezvigure havaitenderwa kugera vhudzi uye zuva rekupedzisira akanzi aende kusango pakati pemakuva kunotora kangoma kadiki kanonzi mbarure izvo akaita.

Mbirimi anoti ari munzira kuenda kumakuva uku akasangana nezishato raive rakakura kuenzana nechidya chake asi haana kana kumboritya.

Zvakadaro, Mbirimi, uyo akasiya zvezvigure sezvo ave kunamata, anoti ari kugara achitya zvimwe zvigure izvo zviri kuti zvinoda kumuuraya.

“Ndave kuita zvekunamata, zvezvigure ndezvemweya yetsvina uye kwaiva kusaziva kwangu. Nguva yadarika kwandinogara kwakauya vakomana vana vachindivhima ndokutanga kundirwisa. Asi ndakazovakurira nekuti vaiva vakadhakwa, vachiti ‘uri kuparidzira nyika uchitibudisa munhau zvatinoita. Uri kutifumura ndizvo zvatiri kuda kukuuraira izvozvo’.

“Vakauya vakavhara kumeso zvekuti handina kumbovaziva. Vakanditi ‘tiri kudzoka tichikutora tichienda newe, hauna kuibva uchiri mumbishi nekuti dai wanga uri chigure chaicho waisamboenda kuchechi kana kutifumura,”’ akadaro Mbirimi.

Anoti vakomana ava vakati vakatumwa nevakuru vavo kuti vazomuranga.

“Ini handina chandiri kutya nekuti ndinoziva kuti Mwari wandinonamata anondirwira. Ngavauye nekuwanda kwavo ndinovakurira chete, ndakatobva kugomo kunozvitsanyira kuitira kuti ndiwane masimba,” akadaro Mbirimi.

Zvisinei, Mbirimi anoti iye nevakomana vaakarwa navo vose vakasungwa nemapurisa ekuDomboramwari nenyaya yekuita mhirizhonga iyi vakabvisiswa faindi.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×