Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu

MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu nenguva dza9 manheru mumusha waSabhuku Chizhanga.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Mollidias Zivuku, vanoti mudzimai akapondwa anonzi Paidaishe Moyo (26) uye ari kupomerwa kupara mhosva iyi murume wake, Khulekani Phiri (32), uyo akatosungwa kare nekuda kwenyaya iyi.

“Zvinonzi nemusi wa25 Chivabvu gore rino ra2026 nenguva dza0300 hours, murume uyu akabva kubasa kwake ndokuona Paidaishe Moyo achiperekedza mumwe murume anonzi Mthandazo kubva muchivanze chepamba pavo zvakaita kuti Khulekani afungire kuti vaviri ava vaidanana,” vanodaro Asst Insp Zivuku.

Vanoti nemusi wa26 Chivabvu nenguva dza9 manheru apo vaviri ava vaiva muimba yavo yekurara, Phiri akaramba achibvunza mudzimai wake uyu kuti Mthandazo paakauya aida chii pamba pavo.

“Murume uyu paakabvunza mudzimai wake, mhinduro yaakapihwa haina kumufadza ndokubva atora chitsiga chemoto ndokurova nacho Paidaishe Moyo kakawanda muviri wese achibva afenda,” vanodaro Asst Insp Zivuku.

Vanoti Phiri akazoenda kune muzukuru wake achibva anotaura mashoko enhema ekuti mudzimai wake aiva achirwara.

“Muzukuru uyu akanosvika kumba kwevaviri ava ndokunowana Paidaishe Moyo atofa kare, nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eZRP Maboleni. Pavakauya, vakanoona kuti mutumbi uyu waiva neronda guru mumusoro raibuda ropa rakawanda uyewo dzimwe nzvimbo dzaiva nemaronda dzinosanganisira nzeve yekuruboshwe, kumakumbo ose nemavanga mumuviri wese,” vanodaro Asst Insp Zivuku.

Vanoti Phiri akabva asungwa uye akachengetedzwa apo akamirira kuendeswa kumatare edzimhosva.

“Murume uyu ari kutarisirwa kupinda kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yaari kupomerwa yekuponda mudzimai wake. Mhosva dzekupondana dziri kuwanda mudunhu reMidlands uyewo tinokurudzira vanhu kutaurirana kana paine nyaya dzinonetsa pakati pavo,” vanodaro Asst Insp Zivuku.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×