Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo

MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON).

Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera mberi katanhatu zvakare.

Senyika yabura shasha dzevatambi venhabvu kwemakore akawanda, mamiriro ezvinhu aya anokahadzisa mutambi wechikwata cheUdinese uyu.

Anotenda kuti yakwana nguva yokuti Zimbabwe ichirega kufunga nezvekungopinda mumutambo weAFCON asi kuti ive nezviroto zvinoenda kure.

“Ndinoshamisika kuti sei tiri kutadza kutamba zvekudarika magroup stage kuAFCON pose panoitwa mutambo uyu,” anodaro Zemura.

“Tinokwanisa kuita zvihombe pane kungopinda mumagroup stage.”

Mutambi uyu, uyo ane makore 25 okuberekwa, ane idi rokuti chikwata chemaWarriors chiripo pari zvino chinokwanisa kukwikwidza nedzimwe shasha dzemuAfrica.

Anotenda zvakare kuti Zimbabwe inokwanisa kudzidza zvakawanda kubva mukukunda kwakaita chikwata cheZambia mufainari yeAFCON mugore ra2012.

Zemura anoti maWarriors anofanirwa kutamba semvumba, otevera matsimba eChipolopolo pakutamba kwayakaita zvinodakadza kuGabon makore 14 adarika.

“Zambia vavakidzani vedu, uye tinokwanisa kudzidza zvakawanda kubva kune budiriro yavakaita,” anodaro.

“Zvavakaita tinokwanisa kuzviitawo zvakare,” anodaro.

“Vaive nevatambi vaitambira kunze nevaitambira muligi yemunyika mavo. Ndizvo zvatinanzvo. Tinokwanisa kuzviita.”

Zemura, uyo akaberekerwa uye kukurira muEngland, vabereki vake vari zvizvarwa zvemuZimbabwe, mumwe wevatambi vemaWarriors vanotenda kuti chikwata ichi chinokwanisa kusvika kure munyaya dzekutamba nhabvu.

Nevatambi vanosanganisira kaputeni Marvelous Nakamba, Marshall Munetsi, Knowledge Musona, Tawanda Chirewa, Andy Rinomhota nevamwe vane chitsama vanotambira kuEurope, Zimbabwe pari zvino inotaridza kuti ine shasha, izvo zvasiyana nemamwe makore.

Zemura anoti mhando yevatambi vakadai inofanirwa kuona maWarriors achiita zvinorova mumitambo yakasiyana-siyana.

Zvisinei, shuviro iyi inotanga nekukunda mumitambo ye2027 AFCON qualifiers.

Mumitambo iyi, Zimbabwe yakaiswa muGroup E, umo ichange ichitamba neDemocratic Republic of Congo (DRC), Equatorial Guinea neSierra Leone, apo zvikwata zviviri ndizvo zvichaenda kufainari ichazotambirwa kunyika dzinoti Uganda, Tanzania neKenya.

Zemura anofara nemukana uripo, waanoti unoita kuti maWarriors akwanise kubudirira mumutambo uyu.

“Iboka rakanaka. Iboka rine zvikwata zvakanaka. Ndinofunga kuti nyika imwe neimwe ine masimbiro ayo ayakaita nenzira yayo,” anodaro.

“DRC iri kuenda kuWorld Cup uye tinovashuvira zvakanaka.

“Asi isu, tinofanirwa kuve tichiratidzika zvakasimba.

“Takabva muboka raive neCameroon, Namibia neKenya, tikabudirira kuenda kumberi.

“Boka riripo pari zvino rakatonyanya kupfava. Tine mukana wakanaka.

“Tinofanirwa kurwisa kuti tipedze tiri pamusoro. Uyu ndiwo unofanirwa kuve mutoro uye chinangwa chedu,” anodaro.

Zemura achangodzoka kuzotambira maWarriors mushure mekusatamba kwenguva yakareba nokuda kwekukuvara.

Nguva pfupi yadarika, akatamba mumutambo weUnity Cup kuLondon, apo Zimbabwe yakakundwa 2-0 neNigeria musemi-fainari, ndokuzokundawo India 1-0.

Kunze kwekutamba nhabvu, mutambi uyu anoita mabasa ekubatsira vamwe kuburikidza nesangano rake — Jordan Zemura Foundation.

Nguva yadarika, akange ari pamutambo wake wepagore wekusimudzira zvikwata zvenhabvu zvevechidiki kuMt Pleasant, muHarare, uye akazoona kucherwa kwezvibhorani paDambudzo Primary School, kwaSeke; neSt Augustine’s Chitida, kuWedza.

Ari kubatsirawo zvakare vana vechikoro nekuvatsigira mudzidzo yavo kumativi mana enyika.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×