Akasiya huticha kunorima

Kingstone Mapupu

MURIMI anogara mumusha weRiverside Park, kuChitungwiza oita zvinorova nechibage chemuChirimo icho chave kutoibva pamwechete nezvimwe zvirimwa zvakasiyana.

VaStanley Mawire (52) vepaPlot number 4001 vanoti vakasiya basa rehudzidzisi ndokupinda mukurima pamba pavo apo pane nzvimbo yakakura chidimbu chehekita.

“Kuenda kubasa kwakanaka zvikuru asi ini ndakaona zvakakodzera kuti ndisiye basa ndokupinda mukurima zvinova zvandakakura ndichiita kumusha kwedu kwaMawire, kuBuhera nekuChitungwiza kumba kwevabereki. Ndichisvika pano, ndakasvikocheresa chibhorani ndokuisa mapombi ekudiridzira e ‘drip irrigation’ ayo ndinoshandisa pambesa dzangu.

“Izvozvi ndine chibage chemuChirimo chave kutoibva,” vanodaro VaMawire.
Murimi uyu anoti akaita Diploma rehudzidzisi paSeke Teachers College ndokuzoenderera mberi kuita dhigirii asi akasarudza kusiya zvose izvi ndokuita zvekurima.

“Kana tichienda kumabasa ngatiwanei zvimwe zvekuita, zvikuru kurima muvhu kune mari. Pano, kunze kwechibage chemuChirimo nechemuZhizha, ndinorimawo mbatatisi, mavise, matomatisi, makabichi nedzimwe mhando dzemuriwo, derere, red neyellow pepper nezvimwewo.”

VaMawire vanoti zvirimwa zvavo zvizhinji zvemuChirimo zvinoda mishonga yakawanda yekufirita kuti zvisakanganiswe netumbuyu.

“Chibage ichi hachina chirwere nekuti ndinomwaya mishonga yekuuraya tumbuyu nguva dzose ndichibatsirwa nenyanzvi,” vanodaro.

Vanoti zvirimwa zvavo vanohodhesa kuMbare nekwaChikwanha, kuChitungwiza.
“Vamwe vanouya vachitenga pano pamusha ndichiita basa rangu. Semunhu ane mvura, ndave kuchera kadhamu kekuisa hove ako ndinotarisira kuti kanofanirwa kupera mwedzi miviri iri kutevera. Ndine hurongwa hwekupfuya hove dzemhando yemuno nekunze ndichishanda nevebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks).”

VaMawire vane hurongwa zvakare hwekupfuya huku apo matanga acho vakatopedza kuvaka.
“Ndinonyanya kurima zvirimwa zvemuchirimo sezvo ivhu repapuroti pangu richikurumidza kuwandirwa nemvura,” vanodaro VaMawire.

Murimi uyu akadyarwawo michero inosanganisira mabanana.
“Kunyangwe nzvimbo yandinorima iri diki, ndiri kurarama zviri nani pane kuenda kubasa. Handifunge kuti ndichada zvekudzokera kubasa zvakare,” vanodaro VaMawire.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×