‘Unzai mbavha’

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti nyaya dzine chekuita nehumbavha hadzigariswe munharaunda kuburikidza nevatungamiriri vanosanganisira madzishe nemasabhuku, asi kuti dzinoendeswa kumatare edzimhosva.

Yambiro iyi inotevera nyaya dzekubirana dziri kuitika kudunhu reMashonaland Central idzo dzinonzi dziri kugadziriswa nemasabhuku nemadzishe.

Inspector Milton Mundembe, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, vanoti kune nyaya dzakawanda dzekubirana dzinozosvitswa kumahofisi avo dzichinzi dzakagadziriswa kare nemasabhuku, madzishe nevamwewo vatungamiri. Vanoti vamwe vanhu vanenge vabirwa ndivo vanoenda kumapurisa anodyidzana neruzhinji vachitsutsumwa kuti nyaya dzavo dzakazotongwa pachivanhu vakayananiswa.

“Tinoda kuti nyaya dzakadai dzigadziriswe paine nguva dzatinonzwa dziri kuitika kunzvimbo dzinosanganisira Mt Darwin, Rushinga, Muzarabani, Guruve neChiweshe. Sabhuku kana mambo vane nyaya dzavanotonga, dzekubirana ngadzisvitswe kumapurisa nhubu dzoendeswa kumatare edzimhosva.”

Vanotiwo mudunhu reMashonaland Central marura nembavha dziri kufamba dzichiba zvirimwa zvakakohwewa zvinenge zviri mumatara.

“Mwaka weZhizha wakadarika varimi vekuMashonaland Central vakakohwa pakuru sevamwe vose munyika. Zvino kune makororo ari kufamba achiba zvirimwa izvi saka vanhu ngavamhan’are nyaya idzi mbavha dzosungwa,” vanodaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *