Akasvetuka mudhuri

Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekunzi akasvetuka jurahoro repamba panogara aimbove mudzimai wake pakati pehusiku ndokugwejenura gonhi pamwe nekumurwisa akamiswa mudare redzimhosva. Tatenda Mbofana akamhan’arira Terrence Chonzi kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

Mbofana akaudza dare kuti ane mwana naChonzi asi vakarambana.

“Murume uyu haadi kundiona ndakatambarara. Kubva zvataigara tose, aitoti atsvage nzira yekundifurufusha. Zvino tsika iyi iri kuramba ichienderera zvisinei nekuti ini ndakaita ‘move on’ neupenyu hwangu ndikamusiya,” akadaro Mbofana.

“Akauya kumba kwangu na12 pakati pehusiku, gedhi rakakiiwa asi akajamba juraworo akagwejenura sasa rekupinda mumba mangu mushure mekunge ndaramba kumuvhurira. Akandibata pahuro achindirova kusvika abuda neni panze.” Chonzi haana kupokana nechikumbiro chaMbofana.

“Chikumbiro chaauyisa ngachigamuchirwe. Mukadzi uyu ndakasiyana, chero nenhamba dzake dzenhare ndakatodzidzima munhare yangu,” akadaro Chonzi.Mutongi Siwardi akapa Mbofana gwaro rerunyararo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *