‘Akatora murume ndiri muchipatara’

Tatenda Shuro
MUKADZI nyachide pabarika, wekuendesa vahosi vake kudare achiti vari kumushaisa rugare akazoshaya pekupinda nenyadzi mushure mekunzi akatotiza aimbova murume wake achienda pachipari.

Tildah Mhuka akamhan’arira Ever Muchengeri kuHarare Civil Court achitsvaga gwaro rerunyararo.

“Mambo wangu, uyu mukadzi wemurume wangu asi ari kundishungurudza zvikuru. Anouya kumba kwangu paadira, handizive kuti anozviitirei. Tiri pachipari asi ari kundishaisa rugare,” anodaro.

Mhuka anoti Muchengeri anoenda kumba kwake achinomutema nemabhodhoro.

“Paanondiona anondituka uye anotaura mashoko akashata kuvana vangu,” anodaro.

Achipawo divi rake, Muchengeri anopokana nechikumbiro chaMhuka.

“Ndine dambudziko nechikumbiro chavo nokuti amai ava vaigara zvavo kumaraini kumwe neni panguva yandakaroorwa. Vaitengesa mutakishopu ndokutanga kudanana nemurume wangu vakatosiya murume wavo. Ndakanyatsozvibata pandakarwara nemimba, amai ava vachigara nemurume wangu sezvo ndakagara mwedzi ndiri muchipatara nokuda kwokuti mwana wangu aiva gavamwedzi.

“Murume aitosiya mwana wangu mudiki oga kumba achinogara naamai ava, otozobva ikoko achiuya kuzondiona kuchipatara. Amai ava vanoreva nhema pavanoti vanozivikanwa semudzimai wechitatu, hapana anotombovaziva kumba kwemurume kuti variko,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Auya kuno nokuti ndakarova murume wangu nebhodhoro, iye handizive kuti akakuvarawo sei. Apa aitoti handisiyane nemurume wako, toparadzaniswa norufu.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mhuka gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *