Akatyora mukadzi mbabvu

Tatenda Shuro
MUKADZI wekuMabelreign, muHarare, akachema-chema mudare achiti anoda kuripwa zvirwere zvepabonde izvo akazadzwa nemurume wake pamwe nembabvu yake yaanoti akatyorwa achirohwa.

Mwatita Zulu akamhan’arira Johanese Mudzingwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Kubva muna2016 ndaingorohwa zvekutoti ndaishaya kuti ndinoroverwei. Ndakazobatwawo mukugara tose nemurume uyu nezvirwere zvepabonde ndokumubvunza kuti zvakabvepi sezvo ini ndichingoziva iye chete semurume wangu. Ndipo patakazotaurirana tikanoona chiremba izvo zvakaita kuti tizopihwe mapiritsi asi zvangu zvirwere zvakanonoka kupera,” anodaro.

Zulu anotiwo murume wake akamutyora mbabvu apo aimurova, nekudaro anoda kuti amuripe.

“Ndairema 78 kgs asi iko zvino ndave kurema 50 kgs. Baba ava vaindirova chaizvo asi semunhu mukuru, hapana wandaitaurira. Akazosvika panguva yaakandirova ndokunditsika-tsika nebhutsu ndikatyoka mbabvu.

“Izvi handina kuzviziva panguva iyoyo asi ndainge ndotadza kusimuka kana kumira zvakanaka. Pari zvino chandinoda kudare igwaro redziviriro uye kuripwawo mbabvu yangu yaakandityora nezvirwere zvepabonde zvaakandipa,” anodaro Zulu.

Anoti murume wake aimbove nemumwe mukadzi asi akaenda nenyaya yekushungurudzwa.

“Aive nemudzimai mumwe wandaitotaura naye achitonditi

garai navo baba ava nenyaya yekushungurudza kwavo. Ndinongochemera mbabvu yangu.”

Achipawo divi rake, Mudzingwa anoti haapokane nechimbiro chemudzimai wake chekuti apihwe gwaro redziviriro.

“Panyaya yembabvu, handina kumutyora ini asi kuti akamhanyira oga kumberi kwebhasikoro ndokukuvara mbabvu,” anodaro.

Anoti haakwanise kuripa mudzimai wake mbabvu yaanonzi akamutyora.

“Handikwanise kuripa mbabvu yavo sezvo ini ndisina kuvakanda bhutsu, vakakuvara nebhasikoro. Handisisinei navo, ndokusaka ndakatobva kumba kwavo. Handichatosvike kumba kwavo, chero ndikavawana vaine mumwe munhu handinei navo,” anodaro Mudzingwa.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zulu gwaro redziviriro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×