Akavigwa nerokwe remudzimai wake

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuRaffingora, kudunhu reMashonaland West, anoti iye nemhuri yake vakasara vava varombo vekugumisira apo vakatorerwa mombe dzavo dzose nehama dzemurume uyo akashaya.
Mai Dadirai Nyamhandu (53), vemubhuku raMarare, papurazi reKatawa, vanoti vakafirwa nemurume wavo kupera kwemwedzi waKubvumbi gore rino, ndokunomuviga kumusha kwavo, kwaMajinga, kuMahuwe.

Vanoti chimwe chishamiso chakaitika parufu urwu ndechekuti rimwe rokwe ravo rakatorwa vasingazive, ndokuiswa mubhokisi raiva nechitunha, rikavigwa nemurume wavo anova mutorwa.

Vanoti murume wavo ange akatenga mombe ndokunodzichengetesa kuhama dzake kumusha makore gumi nemashanu akadarika, idzo dzose dzavanonzi vakazorambira nadzo pakafa murume wavo.
“Murume wangu ainzi Sam Mupeyami (61) akarwara tiri kuno kupurazi tikazoenda naye kumusha uko akazofira nemusi wa25 Kubvumbi,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vanoti ivo sevanhu vaisagara kumusha, pavakapihwa mari yavo papurazi pavaishanda vakanotenga mombe kumusha idzo dzinochengetwa nehama yemurume uye dzawanda kuzvika 15.

Vanoti murume wavo afa, vakarara vachichema vose nevamwe asi mangwanani ezuva rakatevera vakadzingwa nevamwe babamudiki vavo vanonzi Bande Mupeyami (45) nechikonzero chavasina kuziva.
“Ndakatombodzingwa parufu rwemurume wangu ndokuenda kumusha kwehanzvadzi yangu inogara munzvimbo imwechete iyi. Ndakazodzoka kurufu nehanzvadzi yangu vana vangu vauya tikachema murume wangu tikamuviga,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vanoti nyaya inovanetsa ndeyekuti rokwe ravo rakazobiwa rikaiswa muguva pamwechete nechitunha chemurume wavo chinova chivanhu chavasingazive kuti chinorevei.
“Ndashaya dhirezi iri, ndakazobvunza babamudiki vakanditi vainge varitora mumba vakariisa mubhokisi maiva nemufi. Handina kuziva kuti vakazviitirei uye kwandinofamba ndinonzi ndakashereketerwa,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Vanoti dambudziko guru rakazouya vava kubvunza mombe dzemurume wavo idzo vanoti vakataurirwa kuti dzainge dzasara nhatu chete sezvo imwechete yakauraiwa parufu urwu.

“Kubva pamombe gumi neshanu dzataiziva, takanzi kwasara nhatu chete.
“Takabudirwa pachena kuti hakuna munhu anokwanisa kupihwa mombe nhatu idzi. Takazodzoka kuno kupurazi uko takanga tasiya Affet Mupeyami (19) mwana wangu achirwara uyo akazofawo nemusi wa7 Chikumi pakazoitikawo masaramusi ekuti mutumbi wake waiimba pamwe chete nevanhu vaiva parufu rwake,” vanodaro.

Mwana wavo mukomana mukuru, Fannuel Mupeyami (37), anotsinhira nyaya yekutorerwa mombe nekuvigwa kwerokwe raamai vavo pamwe chete nechitunha chababa vake. “Baba vachimiswa basa pano papurazi mugore ra2000, vakapihwa mari yavakatengesa mombe kumusha dzikaguma dzawanda kusvika 15.

Asi panhamo yababa takazonzwa kuti mombe dzasara ina bedzi, imwe chete ikazouraiwa parufu kukanzi kwasara nhatu.

“Dzakasara idzodzo, kunyange tisina chokwadi kuti ndidzo, vakadzirambira zvakare,” anodaro mwanakomana uyu.
Mhuri iyi inoti havasisina chavainacho sezvo vakapedza kutengesa mbudzi dzaive kupurazi vachirapisa baba nemwana vose vakazoshaika ava.

Votaura nezvenyaya iyi, babamudiki Bande Mupeyami vanoti, “Vanhu ivavo vanokunyeperai, handina kumborambira nemombe dzavo.

“Kwasara mbiri chete, imwe takaiuraya panhamo yamukoma vangu zvekuti dzaiva ina kana kuti dzaimbova gumi neshanu manyepo. Zvavanotaura zvekuti vakadzingwa panhamo yemurume wavo manyepo.”

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×