NAC yobatsira kurwisa HIV mumabasa

SANGANO reNational AIDS Council (NAC), rakabatana nenhengo dzaro dzekudunhu reMasvingo, vari kushanda pamwe nekambani inoona nezvekugadzirwa kwemigwagwa yeMasimba Construction vachivafundisa nezvekurwisa HIV mumabasa.

Chirongwa chemazuva maviri ichi chakaitirwa paMayo Depot, kuGokomere pedyo nemugwagwa weHarare-Masvingo-Beitbridge apo vaifamba vachiudza vashandi pamwe nevagari venharaunda iyi maringe nekurwisa denda reHIV, Covid-19 uye nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka zvisiri pamutemo pakati pezvimwe.

Kambani yeMasimba ndeimwe yevari kugadzira mugwagwa uyu.
Vakanga vachitsigira chirongwa ichi vanosanganisira nhengo dzeNAC, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) uye vakakwanisa kufundisa vashandi ava pamwe nedzimwe nhengo dzenharaunda iyi.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaAgrippa Zizhou avo vanova Provincial Manager weNAC mudunhu reMasvingo vanopembedza chirongwa ichi vachiti chinobatsira mukuderedza kupararira kweHIV, Covid-19 nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Vanoti zvinoda mushandirapamwe wevanhu vose kurwisa HIV, zvikuru kuvanhu vari panyatwa sevashandi vemumaindasitiri avo vanotora mazuva kana mwedzi yakati kuti vari kure nemisha yavo.
Vanoita mabasa ekutengesa muviri, vatyairi vemotokari dzinoenda kunze kwenyika pakati pevamwe vari panyatwa.

“Tinokurudzira kuti vanhu vange vachizvichengetedza kuburikidza nekushandisa dziviriro yekondomu nekuti pamunodzokera kudzimba kwenyu, munosvikotapurira mhuri dzamunenge masiyako.
Muzvare Patience Pfedemu, vanova Human Capital Manager weMasimba Group vakafara zvikuru nechirongwa ichi vachiti chichabatsira mukuchengetedza upenyu hwevashandi.

Mumwe mushandi wekambani iyi akarumbidza chirongwa ichi achiti chauya panguva yakanaka sezvo mumugwagwa uyu vamwe vashandi vachigona kusangana nemiyedzo, vamwe vachipinda pabonde nepwere vasingazive kuti vanenge vachipara mhosva.

Chirongwa chekufundisa vashandi maringe neHIV chakakosha zvikuru nekuti chinobatsira mukudzivirira ndufu kana hurwere pakati pevashandi uye kuti vazive matanho ekutora kana vachinge varwara zvichiita kuti makambani aasimukire.

Zvirongwa zverudzi urwu zvicharamba zvichienderera mberi kune mamwe makambani ari kuMasvingo akadai seBitumen iri kuMwenezi uye Exodus kwaChivi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×