AKAZVARA NGURUVE…. . . apopotedzana nemuvakidzani

Michael Magoronga
MUDZIMAI wekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi akazvara kasvava kakaita senguruve mushure mekunge anetsana nemuvakidzani wake pamusoro penguruve dzake idzo dzaigara dzichimberereka nekuparadza mbesa mubindu rake.

Essina Ncube, uyo anogara mubhuku raSikwiti, anonzi nguva pfupi yadarika akasununguka mwana akafanana nenguruve kubva muchiuno kusvika kumusoro asi chimiro chekuzasi kwemuviri wake ari munhu.

Chimwe chishamiso ndechekuti mwana uyu akabarwa aine mazino – uyo akafanana neenguruve.

Zvisinei, mwana uyu akazofa mazuva mashoma angobva kuzvarwa.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti Ncube ane fungidziro huru yekuti akaroyiwa nemuvakidzani wake – uyo asina kudurwa zita rake – mushure mekunge vanetsana pamusoro penguruve dzake.

“Nguruve dzake dzinonzi dzinongomberereka dzichiparadza mbesa mumabindu evanhu. Saka Ncube akaenda kumuvakidzani wake uyu achinotaura nyaya iyi zvikaita kuti vatadze kuwirirana. Mushure memazuva mashoma, Ncube akabva asununguka mwana akafanana nenguruve,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Mambo Chireya vanotsinhira nyaya iyi vachiti Ncube — uyo ange aine pamuviri — anonzi akanetsana nemuvakidzani wake mazuva mashoma asati azosununguka.

“Ndakaudzwa kuti mudzimai uyu akanetsana nemuvakidzani wake pamusoro penyaya yenguruve. Nguruve dzemuvakidzani wake dzinonzi dzinongomberereka dzichiparadza mbesa mubindu rake. Asi mumazuva mashoma akatevera, akabva atanga kurwadziwa nemimba ndokubva asununguka mwana uyu,” vanodaro Mambo Chireya.

Mambo Chireya vanoti vagari vemubhuku iri vakashamiswa zvikuru nemwana uyu sezvo aityisa kutarisa uye akazofa mazuva mashoma akatevera.

“Zvaityisa kuti vagari vemubhuku iri varambe vakatarisa mwana uyu uye munhu haaikwanisa kumutarisa kaviri.

“Mwana uyu akazofa kwapera mazuva mashoma uye akatovigwa. Tichiri pakati pekukahadzika zvikuru kuti nyika iri kuenda kupi,” vanodaro mambo ava.

Vanoti vagari vemudunhu ravo vachiri kutyiswa nechiitiko ichi.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×