Gogo vakafira huku ye$15

Courtney Matende ari kuMBERENGWA
MURUME wekuMberengwa, kudunhu reMidlands, ari kunzi akajajada nedemo ambuya vake chembere, ndokubva vafa apo aivapomera kuti vakange vatengesa jongwe rehuku nemari yakaderera pane yaaida.

Trymore Sibanda (42) anonzi akaponda ambuya vake Nyamazana Sibanda (93) avo vaigara mubhuku rekwaChekwa, kwaMambo Mapiravana.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Joel Goko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika zuva rovira musi wa2 Chikunguru.

Insp Goko vanoti Sibanda akagumbuka zvikuru kuti ambuya vake vainge vatengesa jongwe rehuku nemutengo wakaderera. “Trymore akanzwa kuti ambuya vake vainge vatengesa jongwe ne$15 uye akabva avabvunza achiti mari iyi yaiva shoma zvikuru,” vanodaro.

Insp Goko vanoti Sibanda anonzi akabva atora demo, ndokutema-tema ambuya vake naro vachibva vangofa.

“Zvinonzi pakamuka kukakavadzana, zvikazoita kuti Trymore atore demo kubva muimba yekubikira, iro atema-tema ambuya vake naro kakawanda mumiviri wavo wose,” vanodaro mapurisa.

Ambuya ava vanonzi vakafa nekuda kwekukuvadzwa kwavakaitwa zvichibva mukutemwa nedemo.

“Mbuya Nyamazana vakadonha pasi vachibva vangofira panzvimbo. Trymore akabva atiza achienda kusina anoziva,” vanodaro Insp Goko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa nevavakidzani uye mutumbi waambuya ava wakazoendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital.

Zvichakadai, mapurisa ekuMidlands ari kutsvaga Sibanda nemeso matsvuku uye vari kukumbira kune vangava neruzivo nekwaari kuti vazivise mapurisa ari pedyo.

“Tinokurudzira zvakare veruzhinji kuti vagadzirise zvinenge zvichinetsa pakati pavo mune murunyararo uyewo vokoshesa upenyu hwevamwe,” vanodaro Insp Goko.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *