Akazvikanda mudhamu arambidzwa kutizira

MUSIKANA wechidiki wekuMudzi akasarudza kuzviuraya mushure mekunge vabereki vake vanomutora kumukomana waakange atizira.

Shyne Zeremu (17), wekuMarovha kwaShe Goronga, anonzi akazvikanda mudhamhu raive pedyo nemusha wavo achibva afa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vakatsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa8 Ndira munguva dzemanheru.

“Shyne akange atizira mukomana wake asi vabereki vake havana kupindirana nazvo vachibva vanomutora zvisinei nekuti iye akange asarudza danho iri nekuda kwake.

“Saka pavakadzoka naye kumba haana kuzombogara kwenguva refu achibva aenda kunozvikanda muGorohoro Dam.

“Paakange achienda kudhamu iri, akapfuura nepane mumwe musha uri kwaMutesva, kwaShe Goronga kwakare, akasiya ataurira vagari vepo kuti akange ave kunozviuraira mudhamu iri,” vakadaro Insp Muzondo.

Vagari vepamusha uyu vanonzi vakaedza kumudzivisa kuti asazvikande mudhamu kuburikidza nekumudzingirira kuti vamubate asi vakakonewa sezvo akange oita seagarwa ndokutiza.

“Vakazotevera kudhamu kuye vakawana atozviurayamo. Veruzhinji ndivo vakazoburitsa mutumbi wake uye baba vake, VaOnius Zeremu, vakazonomhan’ara nyaya iyi kuNyamapanda Police Station,” vakadaro.

Vakati nyaya iyi yakazopinda zvakare mudare reMutoko Magistrate’s Courts asi hapana fungidziro yakaipa yakabuda maringe nefiro yake.

Inspector Muzondo vakayambira veruzhinji kuti vatsvage mazano kune vatungamiriri vemunharaunda dzavo kana kumapurisa kana vachinge vasangana nezvigozhero muupenyu pane kusarudza kuzviuraya kana kuita mhirizhonga.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×