Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro

VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino.

Vakaona izvi zvichiitika vanoti vanhu ava vakabatsirwa nevamwe vedzimotokari vaidarika.

Bhokisi raive nechitunha iri rakazoiswa muchechi yeChurch of the Latter Days Saints, iyo yaive pedyo nepakabatira motokari iyi moto.

Motokari iyi, iyo inove yeVadzidzi vaJeso Funeral Parlour, yakatsva zvekuita dota.

Yaityairwa naStuart Muyewa (26) uye chiitiko ichi chakatora nzvimbo mumugwagwa waBosh Off Drive, kuArdbennie.

Vanhu vaive vawirwa nerufu ava vanonzi vaienda kumusha kwemushakabvu kuti vanomuviga.

Mumwe akaona izvi zvichiitika anoti: “Takaona motokari iyi ichibatira moto uye vanhu vaive vawirwa nenhamo, kusanganisira vaive mune dzimwe motokari vakamira ndokumhanya kunobvisa bhokisi raive nechitunha.”

Mumwewo akaona izvi zvichiitika, anoti veFire Brigade vakazosvika mushure mekunge motokari yaive yakatakura chitunha iyi yatotsva yose zvekuita dota.

“Mufi ari kuramba kuenda kumusha uyo. Muendesei kuZororo kana kuMbudzi kusina mitauro mizhinji,” anodaro mumwe akaona njodzi iyi ichiitika.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×