Akazvisungirira zuva rafa sekuru

Tafadzwa Mutsotso —
MUZUKURU anonzi akapona neburi retsono apo akada kuzviuraya nekuzvisungirira zuva rakafa sekuru vake asi ndokuzoponeswa naamai vake avo vakamutakanura.

Izvi zvinonzi zvakakonzerwa nemhepo dziri kusimudzwa mumhuri iyi. Mashoko aya akabuda mudare reHarare Civil Court apo Reason Chawatama – anogara panhamba 333 Engeneering, Highfield, muHarare – akamhan’arira aimbove mukadzi wake, Rachell Chawatama, achimupomera mhosva yekumutuka pamwe nekupumha vabereki vake huroyi.

Rachell akaudza dare kuti haashungurudze Reason asi kuti anoshushikana kuti sei mwana wavo akazvisungirira musi wakafa sekuru wake, uye ndiye akatozomusunugura tambo yaaive azvisungisa nayo kuti afe.

Reason akati kubva zvaakasiyana nemukadzi wake uyu, anogaromutumira mashoko panhare achimutuka kuti akagarwa nemweya yetsvina yaakapihwa nevabereki vake vanoroya.

“Mukadzi uyu anondishungurudza. Pose pandinomufonera ndichida kunzwa kuti vana vakadii pamwe nekukumbira kuvaona, anototi ataure zvekuti vabereki vangu vanoroya. Anondiudza kuti amai vangu vakandizodza mweya wetsvina zvinova ndizvo zvakakonzera kuti tirambane,” akadaro.

Anoti Rachell anoudza vana vavo mashoko akaipa pamusoro pevabereki vake.

“Ndinokumbira mundipewo gwaro redziviriro mukadzi uyu arege kundituka kana kupumha vabereki vangu huroyi. Anoda kuparadzanisa vana vangu nehama dzavo zvekuti akasvika pakuvarambidza kuti vauye kuzochema sekuru vavo pavakashaika. Haafanire kundirambidze kuona vana vangu,” anodaro.

Rachell anopikisana nemashoko anotaurwa naReason.

“Anonyepa murume uyu. ZVose zvaari kutaura zvekuti ndakazofona ndichiti ane mweya wetsvina manyepo. Kunhamo takatoenda, haasiriye futi ainge ambondiudza nezverufu rwacho. Takatonzwa nemumwewo muvakidzani wavo. Kwatisina kuzoenda kunyaradzo nekuti takanga tisina mari,” anodaro.

Akaenderera mberi achiti: “Paakaona kuti hatina kuuya kunyaradzo, akafona achituka mwana. Akataura mashoko akandirwadza, ndipo ndakazomutumira meseji ndichimuudza kuti hataigona kuita zvaanoda iye asingagone kuitirawo vana zvavanoda.

“Mwana wangu mukuru akazvisungirira musi wakafa sekuru vake chaiwo nezvikonzero zvasinganzwisisike. Akatobviswa kuchikoro chaaidzidza chandisingagone kutaura nezita zvichitevera kamwe kamurwariro kaaiita kasinganzwisisike zvakare,” akadaro Rachell.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Reason gwaro redziviriro ndokuti anofanira kufambira kumatare apihwe magwaro ekuti akwanise kuona vana vake.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×