Akecha vakadzi 36 ‘. . . vose achizovaramba’

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vakasara vasina nechekutaura apo mumwe mudzimai ainge amhan’arirwa nemurume wake achinzi ari kumushungurudza akafumura samusha ava achiti vadanana nevakadzi vanosvika 36 vachingorambana navo vose. Collin Dzikiti akamhan’arira Cynthia Chikurupata kuHarare Civil Court achiti haachade kumuona kumba kwake kuMilton Park, muHarare, sezvo ari kumushungurudza.

Dzikiti anotanga nekuudza mutongi Noah Gwatidzo kuti: “Ishe wangu, uyu mukadzi wangu asi ndinokumbirawo gwaro redziviriro rekuti ngaarege zvake kuuya kwandinogara, handichada kumuona.

“Anorarama nechirwere apa anondimanikidza bonde ini ndisingade. Ndinototya ini changamire, nekudaro anogara kuGoromonzi, ini ndakazvitsvagira vadzimai vangu vaviri – vose vakapedzesera vaenda nepamusaka pokuti aivafonera achivatyisidzira.”

Opawo divi rake, Chikurupata anoti haana dambudziko nekuti Dzikiti apihwe gwaro redziviriro.

“Ini handina dambudziko nazvo zvekuti vapihwe gwaro redziviriro nokuti handitokwanise kuenda kwavanogara sezvo vaine mumwe mudzimai ikoko uye handitokuzivi.

“Kana zviri zvevana vedu vaviri, ndini ndinochengeta zvangu ivo vari kutadza kuunza $50 yavakatemerwa nedare,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti Dzikiti adanana nevakadzi vanosvika 36 achingovaramba.

“Baba ava ndivo vanototi vakauya kuGoromonzi votora midziyo yangu votengesa. Izvi zvinotondishungurudza chaizvo. Kusvika pari zvino vadanana nevakadzi vanosvika 36 vachingotora vachisiya,” anodaro.

Mutongi Gwatidzo akarasa chikumbiro chaDzikiti achiti haana kupa dare umboo huzere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *