‘Ndinopa zvikwata zvenhabvu juju’

N’ANGA inozviti chitopota pakushandisa mishonga, inoti yashandira vanhu nezvikwata

zvakawanda kuti vabudirire kana kuita mukurumbira, mungave mune zvemitambo, zvematongerwo enyika pamwe chete nevaimbi.

Vachitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, Mbuya Christine Matsvororo Nyakuchichi (62), avo vanodaidzwa nekuti Mbuya Manhambara, vakati kune vanhu vane mbiri zvikuru munyika muno vakadarika nemumawoko avo vachitsvaga kubatsirwa.

“Vakawanda vanouya pano, vangava vezvematongerwo enyika, vaimbi, zvikwata zvemabhora, vemakambani, mapositori chaiwo nedzimwewo n’anga. Vamwe vanouya husiku vachityira kuonekwa nevanovaziva,” vakadaro Mbuya Manhambara.

Vakadoma vamwe vaimbi vane mukurumbira – vazhinji vacho vakafa – avo vavanoti vakavabatsira kuti vaite mbiri. Asi Kwayedza haikwanise kudura maziva evanhu ava, kana vakashaya, sezvo vasisina mukana wekuzvipindurira.

“Ava anaChi*****, vaigara vari pano vachatanga kuimba kusvikira vaita mukurumbira tichivabika pano nekukumbira midzimu yavo kuti ivavhurire gwara,” vakadaro.

Vanoti vaimbi vanogona kuenda kwavari nevavanoridza navo vose nemagitare vosvikovapumha nekuvapa mishonga yekuti vabudirire.

“Nguva zhinji vaiti kana vachiridzira kunzvimbo dzakadziva kuno sekwaNzvimbo, Bindura, Mt Darwin nekumwe, vaitanga vadarika nekuno.

Vainowana mahoro kana nhandare dzakazara, vanhu vachivachemera. Kunyange vachida kubura mhanzi itsva, vanotanga vauya kuno.”

N’anga Manhambara inoti vamwe vanhu vanoenda kwairi ndevezvikwata zvenhabvu avo vanoendesa mbatya dzavo dzekutambisa nemabhora acho, izvo zvinogona kumbosarako zvozotorwa zuva rinotambwa mutambo apo zvinenge zvaiswa mishonga nemhiko — juju — zvinoita kuti zvikwata izvi zvikunde.

“Chikwata chinobva pano chichinotamba hachinokundwa. Pane timu yekuBotswana yakauya pano ikanorakasha yayaitamba nayo vakazodzoka pano nemari yakawanda zvikuru,” vakadaro Mbuya Manhambara avo vane zvitoro kwekare kuChiweshe.

“Dzangu hakata hadzinyepi, vezvematongerwo enyika vanouyawo pano,” vakadaro Mbuya Manhambara.

Vanotizve vane mushonga wekubata varoyi vachivarovera zvipikiri mumusoro izvo zvinoita kuti vazonofira mberi.

Mubasa ravo iri, vanoti vashanyira nyika dzinosanganisira Zambia, Mozambique, Malawi, Botswana, Namibia neTanzania.

Vamwe vanhu vavanobatsira nemishonga ndevanotsvaga varume kana madzimai kuti vadiwe kana kuti rudo rupfute moto — mudiwadiwa.

Mbuya Manhambara vanoti mishonga yekuroya vamwe kana kukuvadza havadi kuipa vanhu.

Vanoti havadaro sezvo zvichipesana nezvisungo zvesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), iro ravari nhengo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×