Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha.
Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi yadarika, apo murume wemakore 61 akapondwa nemudzimai wake uyu.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Manford Mchede akapondwa nemudzimai wake Thokozane Tshuma.
Vaviri ava vaigara vose.
“Mukufeewa kwenyaya iyi, zvinotaridza kuti vaviri ava vaiva pamba pavo musi uyu, apo vakatanga kunetsana, izvo zvakazoita kuti mudzimai atore chidhinha chaiva pamba, ndokurova nacho murume wake kakawanda mumusoro nekumeso, achibva afa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMberengwa, ayo akamhanyira kwainge kwaitika nyaya iyi, uko akawana mutumbi wemurume uyu uri pamba apa.
“Mapurisa akatanga kufeya nyaya iyi, ndokuwana mutumbi uyu uri pamusha apa, paine chidhinha chaive neropa, icho chinofungidzirwa kuti ndicho chakashandiswa mukupara mhosva,” vanodaro Insp Mahoko.
“Mutumbi wemurume uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yeMberengwa District Hospital, uko waive wakamirira kuongororwa navanachiremba.”
Tshuma akabva asungwa ipapo, uye pakanyorwa nyaya ino aiva muchizarira, akamirira kuenda kumatare edzimhosva kuti atongwe nenyaya yaari kupomerwa yekuponda.
“Semapurisa, tinoramba tichiyambira voruzhinji, zvikuru vakaroorana, kuti vasiyane nenyaya dzemhirizhonga. Tinokurudzira kuti vanhu vasatore mitemo vachiisa muhomwe dzavo, vogadzirisa zvinonetsa mune zvakanaka kana kutsvaga vayananisi vakaita semapurisa, masabhuku kana madzishe nevamwewo vatungamiri vakasiyana-siyana vasati vatanga kurwisana nekukakavadzana,” vanodaro Insp Mahoko.




