Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika.

Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko ichi.

Nomusi wa22 Gunyana, mapurisa akanzwa runyerekupe rwokuti Etina Dzoro (45,) wekwaSabhuku Tafireyi, kwaSadunhu Makonese, kwaChivi; Morgan Mudingi (47), wekwaSabhuku Tsvaringwe, mudunhu rimwe chetero; Eunice Chizoro (48), wekwaTakavarasha, mudunhu rekwaMakonese; naRudo Mangove (25), wepanzvimbo yemabhizimusi yekwaTakavarasha, vainge vachitengesa zvinodhaka kudzimba dzavo.

Mapurisa anonzi akabva amhanya kunofeya nyaya iyi kudzimba dzevanhu ava, ndokunowana makg maviri embanje kumba kwaDzoro, mbanje inorema magramme 500 kumba kwaMudingi, mbanje inorema magramme 500 kumba kwaChizoro, uye imwe yairema makg maviri.

Mbanje

Mabhora embanje nematwist 13 nemasatchet 37 emapiritsi ekusimbisa pabonde eBlue Diamond zvinonzi zvakawanikwa kumba kwaMangove.

Vanhu ava vanonzi vakabva vaendeswa kuChivi Magistrates’ Court, uko vakanobatwa nemhosva. Wokutanga akapihwa mwedzi mipfumbamwe yekugara mujei, wechipiri mwedzi minomwe, wechitatu mwedzi misere newechina mwedzi minomwe.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakatsinhira nyaya iyi, vakarumbidza voruzhinji nekukurumidza kuzivisa mapurisa nezvenyaya iyi.

“Zvakadai, tinovimbisa kuti mapurisa acharamba ari mubishi kuronda nekurwisa vanhu vose vanonzi vanotengesa zvinodhaka munzvimbo dzavari, uye tinokurudzira voruzhinji kuti varambe vakavhura maziso avo uye vazivise mapurisa nezvevanhu vanoshanda nezvinodhaka,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Mwanakomana oshungurudza baba vake (91) achida kuvadzinga pamba

Tendai Vambe MURUME ane makore 91 okuberekwa akapiwa gwaro rekumudzivirira kubva kumhirizhonga inokonzerwa nemwanakomana wake, waakapomera mhosva dzekumushungurudza, kumurova, pamwe nekutyisidzira kumudzinga pamba pake. Nyaya iyi yakanzwikwa muMutare Civil Court,…

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×