‘Amai makanditorera murume’

Tatenda Shuro
AMBUYA vekupomerwa kuti vakambodanana nemukuwasha wavo vakazomhan’arira mwanasikana wavo kudare vachiti ari kuvashungurudza nenyaya iyi.

Namatirai Mashingaidze akaendesa mwanasikana wake, Ndanatswa Musekiwa, kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, uyu wandakamhan’arira mwana wangu wokubereka uye ane vana vake vaviri. Anondituka zvandishaisa rugare achinditi makadanana nemurume wangu imi.

“Ndoda hangu kuti abve pamba pangu nokuti handichina rugare nemwana uyu. Akadzinga vashandi vangu vose vainge vachindibatsira kupurazi uye maroja angu avakaendesa zvakare,” anodaro.

Musekiwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mashingaidze gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *