‘Amai munoroya’

Nyasha Bvudzijena

KUNE mwanakomana ari kupomerwa mhosva yekurova amai vake achivapumha huroyi achiti ndivo vari kukonzera kuti mwana wake agarwe nemamhepo nekurasika njere.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Takesure Chimbare akamhan’arira vanin’ina vake Norway Chimbare naSimon Chimbare kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Takesure anoti vanin’ina vake vave nemakore akawanda vachigara vachimurwisa.

Mutongi Gladis Moyo akapa Takesure gwaro rinomudzivirira.

“Kubva 1996, vanin’ina vangu vanogara vakandirwisa uye kundituka asi chazoita kuti ndiuye kudare inyaya yakaitika musi wa24 Ndira apo vakauya kubasa kuzondipopotera pamberi pevakuru vangu zvekuti handitozive kuti vanorwei paupenyu hwangu,” anodaro Takesure.

Anoti haasi kuda kuona vanin’ina vake vachisvika pabasa pake kana kumba kwake sezvo pose pavanoendako vanoita mhirizhonga.

Simon anoti mukoma wake haasi kutaura chokwadi pamusoro pezvavari kunetserana pamberi pedare.

“Takesure ari kuvanza chokwadi, nyaya iri kunetsa ndeyekuti akarova amai achivati ndivo vari kukanganisa mwana wake njere. Isu tikada kuti tigadzirise nyaya yacho anobva atanga kupopota.

“Isu hatidi kuti ngozi iuye kuvana vedu, saka hazvigone kuti tirege kusvika paanogara,” anodaro Simon.

Norway anotiwo akazvambaradza Takesure nekuda kwekuti haanzwisise, saka anotoda kuita zvekurohwa.

“Mukoma havanzwisise saka kuvarova kuti pamwe vanganzwisise nekuti vabereki vedu vakagumbuka uye haataure navo. Hama dzedu dzakatogeza maoko panyaya iyi sezvo akaramba kutongeswa kana kuripa zvakange zvarehwa nanasekuru,” anodaro.

Mutongi Moyo anokurudzira Takesure nevanin’ina vake kuti vatsvage rubatsiro rwekuti vagadzirise matambudziko akatarisana navo semhuri.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *