Amai muri muroyi: Mwana

Hazel Marimbiza

MUDZIMAI anogara mumusha weOld Magwegwe, kuBulawayo, anoti ari kushushikana zvikuru nemwanakomana wake uyo anotaura kuti anoita kuti iye ashinhe nezvidhoma zvake.

Maria Ndlovu anoti Xolisani Ncube anotaura mashoko aya pose paanoedza kumuraira kana kumutsiudza paanenge akanganisa.

Ncube anonziwo anoudza vavakidzani vavo kuti Ndlovu muroyi uye kuti ane zvikwambo izvo zvaanoshinha nazvo.

Ndlovu anoti akambonotsvaga rubatsiro kubva kuhama dzavo kuti dzivayananise asi zvakakona.

Ncube anonzi akambosvika pakutyisidzira amai vake achiti anoda kuvauraya.

Nekutyira upenyu hwake, Ndlovu akakwidza nyaya iyi kudare reWestern Commonage achikumbira gwaro rinomudzivirira.

“Ndiri kutsvaga gwaro redziviriro kubva kumwanakomana wangu. Anondishungurudza zvikuru nemashoko. Ndinokumbirisawo kuti mahofisi emutemo andibatsirewo sezvo ndava kutyira upenyu hwangu. Iye zvino ari kutaura kuti anoda kundiuraya.

“Anondituka achiti ndiri muroyi uye ndinoita kuti ashinhe nezvikwambo. Anoti ndini ndakauraya vamwe vana vangu, saka handichada zvekuramba ndichigara naye. Ngaabve hake pamba pangu,” vanodaro amai ava.

Ncube anotsinhira achiti kare aimboshungurudza amai vake.

“Vari kundipomera mhosva yezvinhu zvakaitika kare uye ndakatombozvisungirwa. Pandakabva kujeri, vakandiudza kuti ndibve pamba pavo saka kupera kwemwedzi ndiri kubva,” anodaro Ncube.

Mutongi Urgent Vundla akaudza Ncube kuti asiyane netsika yekushungurudza amai vake.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×