‘Zvatinotarisira muBudget’

Malven Mugadzikwa

NHASI gurukota rezvemari, Professor Mthuli Ncube, vachatura mashandisirwo achaitwa homwe (budget) yenyika mugore ra2020.

Veruzhinji vari kutarisira shanduko nekurerutswa kwemafambiro ari kuita upfumi hwenyika. Vamwewo vanotarisira kuti upfumi hwenyika huvandudzwe kunyanya pamafambisirwo emari munyika, zveutano nedzidzo.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe muHarare pamusoro pemafambisirwo ehomwe yenyika.

VaTenius Mangezi vekuBuhera vanoti kuturwa kwebudget mudare reParamende kupedza nguva nekuti shanduko yavaitarisira pakaverengwa budget ra2019 haina kuvepo. Vanoti zviri nani kuti nyika imbofambisa zvekugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji pane kuverenga budget risingazofamba sekutaurwa kwazvinenge zvaitwa.

“Pari zvino tine matambudziko akawanda akanga anzi anopedzwa nebudget ra2019. Handioni paine chikonzero chekuti rirambe richiverengwa gore negore pasina chiri kufamba.

“Kuverenga chete nekuzivisa veruzhinji asi matambudziko achiramba aripo handione zvichibatsira. Matambudziko edu ndaagadzirwe kutanga, tozotanga kuverenga budget racho tava nehurongwa hunoendeka tagadzirisa matambudziko munyika,” vanodaro.

Mai Alice Shamhuyarira vanoti havana ruzivo rwakakwana rwekuti budget riri kuverengwa sezvo vasina kwekunzwa nezvaro nekuda kwukudzimwa kuri kuitwa magetsi. Vaudza bepanhau rino kuti kuverengwa kwebudget kwakakosha asi kana veruzhinji vari kushaya mukana wekuriona nekuteerera pamaredhiyo nemaTV, havana chavangaziva.

Vanoenderera mberi vachiti kana munyika musina mari yakakwana, zvinonetsa kuti zvaverengwa pabepa zvizadzikiswe nekuitwa.

“Tiri kusangana nedambudziko rekushaya mari. Saka budget racho rinozozadzikiswa sei kana pasina mari. Kuti vanhu kana nyika iite budget, panofanira kuva nemucherechedzo wekuti mari yekuti zvataurwa zviitike iripo.

“Tarisiro yangu ndeyekuti bedget iri ritarise nyaya dzekuvapo kwemari, ngaiwanikwe kumabhanga. Zviri kutaurwa mubudget iri zvinofanira kuzadzikiswa kwete kuti zvingova zvekuverenga pabepa chete.”

Mai Anna Chakanetsa vanotsinhira vachiti kana pasingaonekwe kushanda kwemari dzataurwa mubudget, hapaonekwe kukosha kwekuverengwa kwaro munyika. Vanoti pari zvino chikamu chezveutano chiri kuratidza kuti chiri kuremerwa kuburikidza nekusiya kuri kuita machiremba mabasa.

“Dai budget regore rapera rakatevedzerwa nemazvo, tingadai tiine dambudziko raana chiremba vari kusiya mabasa here? Shuviro yangu ndeyekuti VaMthuli Ncube vamire pachokwadi pakuverenga kwavo budget kwete kufadza veruzhinji nemashoko asingazadzikiswe. Ndapave nezvivimbiso zvinozadzikiswa mapazi ose achiwana mari dzawo sezvinenge zvataurwa mubudget kuitira kuti tisarambe tichisangana nematambudziko.

“Kuzadzikiswa kwezvataurwa mubudget kunoonekwa nesu veruzhinji neshanduko yatinenge tichiona nekureruka kwezvinhu munyika,” vanodaro.

VaAlbert Mugadza vanoti budget rinofanira kuongorora vechikuru vava pamudyandigere kuti vabatsirikane munyaya dzekuwana mari dzavo mumabhanga nekurapwa nyore.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *