‘Amai musanyebe imi makandivenga’

Lizzy Mushoriwa —
MWANA wekumiswa mudare naamai vake achinzi anovarova nekuvatukirira anoti mashoko aya ndeemanyepo asi kuti amai ava vakamuvenga sezvo ari rovha.

Kudzai Mutero akaudza dare reHarare Civil Court kuti ari kushaiswa rugare nekushungurudzwa naLenon Makumbe.

“Mwana uyu ndewemurume wangu asi ndinogara naye. Andishingurudza, anondirova nekundituka uye nguva dzaanouya kumba hadziite, pakati pehusiku isu tinenge tarara otanga kuita ruzha achigogodza gonhi,” anodaro Mutero.

Anoenderera mberi achiti baba vacho havatsiure mwana wavo.

“Musi waakandirova ndainge ndabvisa zvinhu zvake ndichiisa mune imwe imba nekuti yake ndaida kuisa roja. Asi iye akabva atsamwa ndokundirova. Handina kuenda kumapurisa ndichiti baba vacho vachataura naye asi hapana zvavakaita,” anodaro.

Makumbe anopikisana nemashoko aya achiti haana kumbobvira ashungurudza amai vake.

“Amai vanonyepa, ini handina kumbobvira ndavashungurudza zvavari kutaura izvi kana kuvarova chaiko. Vakangondivenga nekuti handishande, musi wavari kuti ndakavarova handina kutombovaguma, ndakangotora zvinhu zvangu ndokudzosera mazvaiva,” anodaro Makumbe.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Mutero gwaro redziviriro ndokuti pakati pevaviri ava pasawana anoshungurudza mumwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *