Andre oda kubva kuChelsea

Andre Schurrle
Andre Schurrle

ANDRE Schurrle anonzi ari kuda chaizvo kubva kuChelsea kuti aende kuWolfsburg, sekutaurwa kwazviri kuitwa nevamwe vanoona nezvenhabvu.
Shasha yekuGermany iyi, iyo yakahwina mukombe weWorld Cup gore radarika, yakatengwa neChelsea ichibva kuBayer Leverkusen mugore ra2013 uye yange ichingonzi inogona kudzokera kunotambira nhabvu yavo kuBundesliga kubva pakavhurwa mwaka wekutengesa kwevatambi kutanga mwedzi uno.

Maneja weChelsea, Jose Mourinho, svondo radarika akati anotarisira kuramba ane chikwata chake chose chakazara mwaka uno asi akabvuma kuti panogona kuita mumwe mutambi anobva asi hunge paine chikwata chinenge chabhadhara mari svinu pamutambi uyu.

Izvi zvose zvinogona kubudirira ndokunge Wolfsburg yakabvuma kubhadhara mari inodarika 22,5 miriyoni paunzi iyo iri kudiwa neChelsea. Kunyangwe hazvo mari iyi isati yaburitswa pachena pari zvino, zvinonzi hurukuro dzezvikwata zviviri izvi dziri kufamba mugwara chairo.

Wolfsburg pari zvino iri pechipiri muBundesliga uye Schurrle anoona chikwata ichi, icho chakahwina mukombe uyu gore ra2009, chichikwanisa kukunda Bayern Munich mwaka uno. — Sky Sports News

Related Posts

Mutyairi asina chitambi, chidhakwa aurayisa shamwari

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo aityaira Honda Fit akadhakwa uye asina rezinesi rekutyaira, izvo zvakakonzeresa tsaona yakauraya shamwari yake, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu azere uye akarambidzwa kutyaira motokari dzemhando yeClass…

Varidzi vemombe dzinongomberereka nemigwagwa hokoyoyi!

Sikhumbuzo Moyo VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa. Mukuru wemapurisa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×