Akasiya basa

Valentin Maslakov
Valentin Maslakov

MURAIRIDZI wechikwata chemujaho wekumhanya chenyika yeRussia, Valentin Maslakov, akakanda mapfumo pasi nekusiya zvekutungamirira chikwata ichi apo vatambi vacho vakawanda vakatarisana nemhosva yekushandisa zvinodhaka pakuzvigwinyisa miviri yavo. Zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa vatambi vanoita zvemijaho vashanu nesangano reAnti-doping agency reko, Maslanov anonzi akaona zvakakodzera kusiya basa iri sezvo zvichimudzikisira zvakanyanya. Mutungamiri wesangano reRussian Athletics, Valentin Balakhnichev, akati kunyangwe Maslakov ainge asina chaakatadza aisafanira kupeta mawoko akatarisa chikwata chake chichinyadzisa nokudaro akazvipira kubvuma mhosva yaiva nevatambi ava.

Nerimwewo divi, sangano rinoona nezvemitambo pasi rose reInternational Association of Athletics Federations (IAAF) rinoti rakabatikana zvikuru nehuwandu hwenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nevatambi vekuRussia.

Russia inonzi ine vatambi 23 pa37 vakabatwa nemhosva yekushandisa zvinodhaka kubva zvakavambwa chirongwa chekuderedza mhosva dzerudzi urwu.

Sangano reWorld Anti-doping Agency pari zvino riri kuita tsvakurudzo yakazara maererano nechitsotsi pamwe nehuwori munyaya dzezvemitambo.

Related Posts

Mutyairi asina chitambi, chidhakwa aurayisa shamwari

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo aityaira Honda Fit akadhakwa uye asina rezinesi rekutyaira, izvo zvakakonzeresa tsaona yakauraya shamwari yake, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu azere uye akarambidzwa kutyaira motokari dzemhando yeClass…

Varidzi vemombe dzinongomberereka nemigwagwa hokoyoyi!

Sikhumbuzo Moyo VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa. Mukuru wemapurisa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×